Revhitiko 1:1-4
Revhitiko 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati, “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire.
Revhitiko 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakadana Mosesi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, ‘Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.’ “Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
Revhitiko 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akadaidza Mosesi mutendhe rokusanganira akataura kwaari achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu achida kuunza mupiro kuna Tenzi, ngaaunze chibayiro chake chezvipfuwo, chingave mombe kana hwai kana mbudzi.’ “Kana mupiro wake wokupisa iri mombe, ngaaunze yomukono, isina chinoshoreka pairi. Ngaauye nayo kumusuwo wetendhe rinoera kuti Tenzi amugamuchire. Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wechibayiro chokupisa ichocho. Chibayiro ichocho chichatora nzvimbo yake kuti chipfupire zvitadzo zvake.
Revhitiko 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakaɗana Mosesi, akataura naye ari mutente rokusoŋgana, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mumŋe wenyu aciɗa kuʋigira Jehova cipo cake, munofanira kumuʋigira ɀipo ɀenyu ɀeɀipfuwo, kana ɀeŋombe kana ɀamakwai. Kana cipo cake ciri cipiriso cinopiswa ceŋombe, unofanira kuʋigira mukono usinemhoȿa; ŋgaaciɓayire pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti agamucirwe pamberi paJehova. Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso cinopiswa, kuti cigamucirwe panɀimbo yake, cimuyananisire.
Revhitiko 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)