Mupiro 1
1
Chibayiro chinopiswa mutumbi wose
1Tenzi akadaidza Mosesi mutendhe rokusanganira akataura kwaari achiti, 2“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu achida kuunza mupiro kuna Tenzi, ngaaunze chibayiro chake chezvipfuwo, chingave mombe kana hwai kana mbudzi.’
3“Kana mupiro wake wokupisa iri mombe, ngaaunze yomukono, isina chinoshoreka pairi. Ngaauye nayo kumusuwo wetendhe rinoera kuti Tenzi amugamuchire. 4Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wechibayiro chokupisa ichocho. Chibayiro ichocho chichatora nzvimbo yake kuti chipfupire zvitadzo zvake. 5Munhu iyeyo ngaaurayire handira yake pamberi paTenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavapire ropa rayo kuna Tenzi, vachirisasa pamativi mana eatari yokumusuwo wetendhe rokusanganira. 6Muridzi wemupiro wokupisa iwoyo ngaaivhiye, aiteme-teme. 7Vana vaAroni mupristi, vachaisa moto paatari varonge huni pamoto iwoyo. 8Vana vaAroni vapristi ngavaronge nyama iya yatemwa-temwa zvose nomusoro wayo, namafuta ayo pamusoro pehuni dziri kubvira paatari. 9Muridzi wayo ngaaisuke nemvura, zvomukati zvayo nemazondo ayo. Muprisiti ngaapisire zvose izvozvo paatari, somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
10“Kana chipo chake chemupiro wokupisa chiri hwai kana kuti mbudzi, ngaive hono isina chinoshoreka pairi. 11Ngaaiurayire kuchamhembe kweatari, pana Tenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavasase ropa rayo pamativi mana ose eatari. 12Munhu iyeyo ngaaiteme-teme nomusoro wayo namafuta ayo, mupristi ngaaironge paatari, ayo pamusoro pehuni dziri kubvira moto paatari. 13Muridzi wayo ngaasuke nemvura zvomukati zvayo nemazondo ayo. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
14“Kana munhu achida kupira kuna Tenzi somupiro wake wokupisa weshiri ngaaunze chipo chenjiva kana kuti hangaiwa duku. 15Mupristi ngaaiunze paatari, aimonye mutsipa, idimuke musoro, aipise paatari. Ropa rayo ngariregwe richibuda richiyerera, richidzika neparutivi rweatari. 16Ngaabvise chihururu neminhenga yayo azvirasire panorasirwa dota kumabvazuva kweatari. 17Ngaabate mapapiro ayo aitsemure nepakati, asi ngaarege kuikwachura. Mupristi iyeyo ngaaipisire paatari, pahuni dziri kubvira moto paatari, somupiro wokupisa, unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mupiro 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.