Joshua 4:18-24
Joshua 4:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose. Pazuva regumi romwedzi wokutanga, vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko. Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani. Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka. Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.”

Joshua 4:18-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari. Akataura navana vaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
Joshua 4:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita. VaIsiraeri vakabuda muna Jorodhani pazuva rechigumi romwedzi wokutanga, vakandodzika matendhe avo vava kuGirigari, kumuganhu wokumabvazuva weJeriko. Joshuwa akaronga matombo gumi namaviri iwayo avakatora muna Jorodhani kuGirigari. Akataurira vaIsiraeri kuti, “Kana mangwana, zvizukuru zvenyu zvozobvunza madzibaba azvo kuti, ‘Matombo aya anorevei?’ Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’ Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka, kuitira kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzigoziva kuti Tenzi ane simba guru kwazvo, uyewo kuti mutye Tenzi Mwari wenyu wose narini narini.”
Joshua 4:18-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare. Ʋanhu ʋakakwira ʋakaɓuɗa paJoridani pazuʋa regumi romŋedzi wokutaŋga, ʋakadzika matente aʋo muGirgari, pamuganho wamabvazuʋa eJeriko. Joshua akamisa aya mabge anegumi namaʋiri aʋakanoŋga muJoridani paGirgari. Akataura naʋana ʋaIsraeri, akati: Kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza madziɓaɓa aʋo paŋguʋa inoʋuya, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma. Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka; kuti ndudzi dzose dzenyika dziziʋe kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo runesimba; kuti ʋatye Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi.
Joshua 4:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)