Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 4:18-24

Joshua 4:18-24 SUB1949

Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare. Ʋanhu ʋakakwira ʋakaɓuɗa paJoridani pazuʋa regumi romŋedzi wokutaŋga, ʋakadzika matente aʋo muGirgari, pamuganho wamabvazuʋa eJeriko. Joshua akamisa aya mabge anegumi namaʋiri aʋakanoŋga muJoridani paGirgari. Akataura naʋana ʋaIsraeri, akati: Kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza madziɓaɓa aʋo paŋguʋa inoʋuya, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma. Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka; kuti ndudzi dzose dzenyika dziziʋe kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo runesimba; kuti ʋatye Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi.

Verenga chikamu Joshua 4