Joshua 4:1-8
Joshua 4:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua, “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe, Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo, mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.” Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.” Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi.
Joshua 4:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, “Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyamuike mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.’ ” Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri. Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
Joshua 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vose pavakapedza kuyambuka Jorodhani, Tenzi akati kuna Joshuwa, “Sarudza varume gumi navaviri muvanhu, murume mumwechete padzinza, uvati, ‘Torai mabwe gumi namaviri apano apa pakati paJorodhani panga pamire vapristi chaipo, muatakure muende nawo, mundoaisa pamucharara usiku hwanhasi.’ ” Joshuwa akadaidza varume gumi navaviri muvaIsiraeri, vaakanga asarudza achitora murume mumwechete padzinza. Zvino Joshuwa akati kwavari, “Endai mberi kwebhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari wenyu, pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu atore ibwe aritakure papfudzi rake, maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri. Itai izvozvi kuti chigova chiratidzo; pakati penyu chokuti mangwana, kana vana venyu vobvunza kuti, ‘Ko kwamuri imi mabwe ayo anorevei’? Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko.
Joshua 4:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Joridani, Jehova akataura naJoshua, akati: Uɀitorere ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri kuʋanhu, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe; ugoʋaraira, uciti: Pano pakati paJoridani, pakaramba pamire tsoka dzaʋaprista, muɀitorere mabge anegumi namaʋiri, muyambuke nawo, mundoaisa paʋato, pamucandoʋata ʋusiku bguno. Ipapo Joshua akaɗana ʋarume aʋo ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakaŋga agadza pakati paʋana ʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe, Joshua akati kwaʋari: Tuŋgamirirai areka yaJehova Mŋari wenyu, muyambuke kuȿikira pakati paJoridani, mumŋe nomumŋe wenyu anoŋge ibge ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi aʋana ʋaIsraeri. Kuti cinhu ici ciʋe ciratidzo pakati penyu, kuti kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza pashure, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? Imi muti kwaʋari: Nokuti mvura yaJoridani yakagurwa pamberi peareka yesuŋgano yaJehova; ŋguʋa yayakayambuka Joridani, mvura yaJoridani yakagurwa; mabge awa acaʋa ciraŋgaridzo pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naJoshua, ʋakanoŋga mabge anegumi namaʋiri pakati paJoridani, seɀakataura Jehova kunaJoshua, akaenzana namarudzi aʋana ʋaIsraeri, ʋakayambuka nawo, ʋakaatakura, kuȿikira paʋakandoʋata, ʋakaaisa’po.
Joshua 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)