Vanhu vose pavakapedza kuyambuka Jorodhani, Tenzi akati kuna Joshuwa, “Sarudza varume gumi navaviri muvanhu, murume mumwechete padzinza, uvati, ‘Torai mabwe gumi namaviri apano apa pakati paJorodhani panga pamire vapristi chaipo, muatakure muende nawo, mundoaisa pamucharara usiku hwanhasi.’ ” Joshuwa akadaidza varume gumi navaviri muvaIsiraeri, vaakanga asarudza achitora murume mumwechete padzinza. Zvino Joshuwa akati kwavari, “Endai mberi kwebhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari wenyu, pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu atore ibwe aritakure papfudzi rake, maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri. Itai izvozvi kuti chigova chiratidzo; pakati penyu chokuti mangwana, kana vana venyu vobvunza kuti, ‘Ko kwamuri imi mabwe ayo anorevei’? Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko.
Verenga chikamu Joshuwa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 4:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo