Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 4:1-8

Joshua 4:1-8 SNA2002

Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, “Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyamuike mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.’ ” Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri. Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.

Verenga chikamu Joshua 4