Joshua 22:1-5
Joshua 22:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai. Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani. Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”
Joshua 22:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, nokutererawo izwi rangu pazvose zvandakakurairai; hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu. Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waJehovha, mhiri kwaJorodhani. Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemwoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.”
Joshua 22:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akadaidza vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase akavati, “Makachengeta zvose zvamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, mukanditeerera pane zvose zvandakakuudzai. Hamuna kana kumbosiyana zvenyu nehama dzenyu nguva yose iyi yanga yakareba kudai kusvikira nhasi uno, asi kutoti manga muchinyatsochengeta zvamakaudzwa naTenzi, Mwari wenyu. Zvino Tenzi Mwari wenyu apa hama dzenyu runyararo sokuvatsidzira kwaakaita. Saka imimi chidzokerai zvenyu kumusha kwenyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi kumhiri kwaJorodhani, kuti ive yenyu. Nyatsongwarirai kuchengeta mutemo nomurao wamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, wokuti mude Tenzi, Mwari wenyu, mufambe munzira dzake dzose muteerere mirao yake muti kwati kwati naye, muchimushandira nomwoyo wenyu wose, nomweya wenyu wose.”
Joshua 22:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua akaɗana ʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase, akati kwaʋari: Makaita ɀose ɀamakarairwa naMosesi muranda waJehova, nokuterera ʋo inzwi raŋgu paɀose ɀandakakurairai; hamuna‐kusiya hama dzenyu mazuʋa awa mazhinji kuȿikira nhasi, asi makaita cireʋo camakarairwa naJehova Mŋari wenyu. Ɀino Jehova Mŋari wenyu wakazorodza hama yenyu, seɀaakataura kwaʋari; naiɀoɀo ɀino dzokai, muende kumatente enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waJehova, mhiri kwaJoridani. Asi cenjerai kwaɀo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehova, kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuceŋgeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemŋoyo yenyu yose ʋuye nemŋeya yenyu yose.
Joshua 22:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)