Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 22

22
Marudzi oKumabvazuva anodzokera kumusha
1Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase 2akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai. 3Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. 4Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani. 5Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”
6Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo. 7(Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza, 8achiti, “Dzokerai kumisha yenyu nepfuma yenyu zhinji, nemombe dzakawanda, nesirivha, negoridhe, ndarira nesimbi, nenhumbi dzakawanda chose, mundogovana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.”
9Saka vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
10Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani. 11Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri, 12ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo.
13Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase. 14Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri.
15Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase, vakati kwavari, 16“Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino. 17Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha! 18Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here?
“ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri. 19Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu. 20Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ”
21Ipapo Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati, 22“Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi. 23Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge.
24“Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri? 25Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha.
26“Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’ 27Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’
28“Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’
29“Ngazvirege kutomboitika kuti isu timukire Jehovha tichitsauka nhasi kubva kwaari nokuvaka aritari yezvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, nezvibayiro kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu, imire pamberi petabhenakeri yake.”
30Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara. 31Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.”
32Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika. 33Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi.
34Zvino vaRubheni navanakomana vaGadhi vakatumidza aritari iyi kuti: Aritari yeChapupu Pakati Pedu kuti Jehovha ndiye Mwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 22: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda