Joshua 22
22
VaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vanoenda kunyika yavo
1Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, 2akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, nokutererawo izwi rangu pazvose zvandakakurairai; 3hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu. 4Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waJehovha, mhiri kwaJorodhani. 5Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemwoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.” 6Zvino Joshua akavaropafadza, akavaendesa; vakaenda kumatende avo.
7Zvino Mosesi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo. 8Akataura navo, akati, “Dzokerai kumatende enyu mune pfuma zhinji nemombe zhinji kwazvo, nesirivha, nendarama nendarira, namatare, nenguo zhinji, mugovane nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.”
9Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGireadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMosesi. 10Zvino vakati vasvika panyika yapaJorodhani, munyika yeKenani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka atari paJorodhani, atari huru kana ichionekwa. 11Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, “Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka atari pakatarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.” 12Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo.
13Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupristi Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGireadhi, 14iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakanga ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri. 15Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGireadhi, vakataura navo, vakati, 16“Zvanzi neungano yaJehovha, ‘Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira atari, kuti mumukire Jehovha nhasi?’ 17Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha, 18zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri. 19Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu. 20Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.”
21Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri, 22“Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, naIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira, (musatiponesa nhasi,) 23zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo; 24azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, ‘Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,’ vachiti, ‘Imi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?’ 25Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha. 26Saka takati, ‘Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; 27asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa’, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, ‘Hamuna mugove kuna Jehovha.’ 28Naizvozvo takati, ‘Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,’ isu tichati, ‘Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.’ 29Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.”
30Zvino Pinehasi mupristi, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo. 31Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana vaIsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.”
32Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGireadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro. 33Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi. 34Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 22: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002