Joshua 14:7-8
Joshua 14:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundosora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini, asi hama dzangu dzakanga dzakwidza neni dzakaodza mwoyo yavanhu, nokutya. Kunyange zvakadaro ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose.
Joshua 14:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi‐bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini. Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose.
Joshua 14:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu. Asi vamwe vangu vandakanga ndaenda navo vakasvikoodza vanhu mwoyo. Asi ini ndakati kwati naTenzi nomwoyo wangu wose.
Joshua 14:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini ndakaŋga ndaȿika makore anamakumi manna ŋguʋa yandakatumŋa naMosesi muranda waJehova paKadeshi‐barnea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari seɀandakafuŋga ini. Asi hama dzaŋgu dzakaŋga dzakwira neni dzakaʋodza mŋoyo yaʋanhu; asi ini ndakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wose.
Joshua 14:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)