Joshuwa 14
14
B: KUGOVERANISWA KWENYIKA YOKUMADOKERO KWAJORODHANI
1Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa vaIsiraeri munyika yeKanani, vachidzigoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNunu navakuru vakuru vemhuri dzemadzinza avaIsiraeri. 2Madzinza mapfumbamwe nechimwe chikamu chedzinza chiya akagoverwa nhaka nechin'ange sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 3Chakadariso ndechokuti Mosesi akanga atogovera kare nhaka madzinza maviri nechimwe chikamu chedzinza kumhiri kwaJorodhani, vaRevhi chete ndivo vaasina kugovera nhaka pakati pavo. 4Chiripo ndechokuti vokwaJosefi vakave madzinza maviri anoti rokwaManase nerokwaEfuraimu, asi hapana nhaka yakagoverwa vaRevhi munyikamo. Vakangogoverwa chete maguta okugara nenharaunda dzawo dzokuisa zvinhu zvavo nokuita mafuro ezvipfuwo zvavo. 5VaIsiraeri vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi, vakagoveranisa nyika iyoyo.
Kerebhu anopiwa Hebhuroni
6Vedzinza rokwaJudha vakauya kuna Joshuwa paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune muKenizi akataura nhuna dzake kwaari achiti, “Muchiri kuyeuka here zviya zvakataurwa naTenzi kuna Mosesi munhu waMwari kuKadheshibharinea, paakataura nezvangu uye nezvenyu. 7Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu. 8Asi vamwe vangu vandakanga ndaenda navo vakasvikoodza vanhu mwoyo. Asi ini ndakati kwati naTenzi nomwoyo wangu wose. 9Pamusi iwoyo Mosesi akapika nemhiko achiti, ‘Chokwadi nyika iyoyo yawakatsika norutsoka rwako ichava nhaka yako nezvizvarwa zvako narini narini nokuti iwe wakati kwati naTenzi, Mwari wangu.’ 10Zvino chionai, Tenzi akandichengeta sokutaura kwake makore aya makumi mana ana mashanu kubvira musi waataura izvozvi kuna Mosesi, vaIsiraeri vachangunofamba murenje. Hezvino nhasi uno ndava namakore makumi masere ana makore mashanu okuberekwa. 11Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo. 12Saka ndipei zvangu nyika yamakomo yakataurwa naTenzi musi uya. Imi makangozvinzwirawo moga musi uya kuti hofori dzokwaAnakimu dziriko, dzina maguta adzo ane tsvingo. Pamwe Tenzi angangondibatsira, ndikavatorera nyika yavo, sokutaura kwakaita Tenzi.”
13Joshuwa akakomborera Karebhu mwanakomana waJefune ndokumupa guta reHebhuroni senhaka. 14Saka Hebhuroni yakabva yava nhaka yokwaKerebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira pari nhasi nokuti akaramba akati kwati kwati naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. 15Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 14: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.