Joshuwa 13
13
II: KUGOVERWA MADZINZA NYIKA YEKANANI
Nyika dzakanga dzisati dzakundwa navaIsiraeri
1Zvino Joshuwa akanga akwegura zvokunyatsochemberawo, Tenzi ndokumutaurira achiti, “Wakwegura, makore ako oupenyu ayendedzana, asi kuchine nyika huru kwazvo yokutora kuti ive yenyu. 2Kuchine nyika huru yamusati matora: kunoti matunhu ose zvawo avaFirisitia, nenyika yose yavaGeshuri namatunhu ose avaGeshuri, 3(zvichitangira kuShihori kumabvazuva kweIjipiti kusvikira kuchamhembe kumuganho weEkironi, inonzi ndeyevaKanani. Kune vatongi vashanu vechiFirisitia vanoti wokuGaza nowokuAshidhodhi nowokuAshikeroni nowokuGati nowokuEkironi navaAvhimu.) 4Kumaodzenyemba, inotangira kunyika yavaKanani yose zvichienda nokuMeara kunyika yavaSidhoni kusvikira kuApeki kumuganhu wavaAmori. 5Kwouya nyika yavaGebaru nenyika yeRebhanoni mujinga megomo reHerimoni kudzamara toda kupinda muHamati, 6vanhu vose zvavo vomunyika yemakomo kubvira kuRebhanoni kusvikira kuMisirefotimaimu kunyangewo nevaSidhoni vose zvavo. Ini pachangu ndichadzingira vaIsiraeri vanhu ivavo chako iwe chete govanisa vaIsiraeri nyika iyi senhaka, sezvandakakuudza. 7Saka chigovera nyika iyoyi madzinza mapfumbamwe nechikamu chevedzinza raManase senhaka yavo.”
A: KUGOVIWA KWENYIKA DZOKUMABVAZUVA KWAJORODHANI
8Vedzinza raRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza raManase, vanotova kare nenhaka yavo yavakapiwa naMosesi kumhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sokupiwa kwavakaitwa naiye Mosesi muranda waTenzi. 9Kubvira kuguta reAroeru kumucheto webani raArinoni, neguta riri pakati pebani renyika yakatumhumara yeMadhebha zvichienda nokuDhibhoni, 10namaguta ose aSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni ichindosvika kumuganhu navaAmori. 11Akavapawo nyika yeGireadhi namatunhu ose avaGeshuri neavaMaaka, nokugomo reHerimoni kwose, nenyika yeBhashani yose zvichisvika kuSareka, 12nyika yose zvayo yamambo Ogu kuBhashani aimbotonga Ashitaroti neEdhirei. (Iyeyu ndiye aiva hofori imwechete yechiRefaimu yakanga yasara.) Mosesi akakurira ivava akaavadzingamo. 13VaIsiraeri havana kudzingamo vaGeshuri navaMaaka, asi kutoti vokwaGeshuri novokwaMaaka vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira pari nhasi.
14Dzinza raRevhi chete ndiro risina kupiwa nhaka naMosesi nokuti mipiro inopirwa kuna Tenzi, Mwari waIsiraeri ichiita zvokupiswa nomoto ndiyo nhaka yaro sokuudzwa kwaakaitwa.
Nhaka yedzinza rokwaRubheni
15Mosesi akagovera vedzinza rokwaRubheni nhaka yemhuri dzavo. 16Kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni ichibvira muguta riri pakati pebani, nenyika yose yakatunhumara yokuMedhebha 17zvichienda kuHeshibhoni namaguta ose omunyika yakatunhumara aya anoti: Dhibhoni neBhamotibhaari neBhetibhaarimeoni 18neJahazi neKedhimoti neMefaati 19neKiriataimu neSibhuma neZeredhishahari riri pachikomo chomubani chiya, 20neBhetipeori nemateru okubva mujinga megomo rePisiga neBhetijeshimoti, 21zvichireva kuti maguta ose zvawo omunyika yakatunhumara, nenyika yose yaSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni uya wokukundwa naMosesi pamwechete navatungamiriri vavaMidhiani vanaEvhi naRekemu naZuru naHuru naRebha, vakanga vari madzishe aiva pasi pamambo Sihoni, vachigara munyika iyoyo. 22Bhiriamu mwanakomana waBheori uya aiita maminimini uya akaurayiwawo navaIsiraeri pamwechete navamwe vavakauraya namapakatwa. 23Saka nyika yevedzinza rokwaRubheni yaindosvika muna Jorodhani ndiwo waiva muganhu wavo. Maguta iwaya nemisha yawo ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaRubheni irori nemhuri dzavo.
Nhaka yedzinza rokwaGadhi
24Mosesi akagoverawo vedzinza rokwaGadhi nhaka yemhuri dzavo. 25Nyika yavo yaiva yeGazeri zvichienda nokumaguta ose omuGireadhi nechidimbu chenyika yevaAmoni ichisvika kuAroeru kumabvazuva eRabha. 26Yaibvirawo kuHeshibhoni kundosvika kuRamatimizipe nokuBetonimu, ichibvirawo kuMahanaimu kusvikira kunyika yaDhebhiri 27zvichienda nokubani kuBhetiharamu nokuBhetinimura nokuSukoti nokuZafoni ndochimwewo chidimbu chenyika yaSihoni mambo weHeshibhoni, Jorodhani ruriwo muganhu wenyika yacho inosvika kumahombekombe egungwa reKinereti kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani. 28Maguta iwaya nemisha iyi ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo.
Nhaka yokumabvazuva yechimwe chikamu chedzinza raManase
29Mosesi akagovera nhaka kune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase. Akapa nhaka iyi kune chikamu ichi chevedzinza raManase nemhuri dzavo. 30Nyika yavo yaibvira kuMahanaimu zvichienda nokuBhashani kwose zvako, zvichireva kuti nyika yose zvayo yaOgu mambo weBhashani, namaguta ose aJairi omuBhashani, ose pamwechete aiva makumi matanhatu amaguta, 31kwouya chidimbu chenyika yeGireadhi neguta reAshitaroti nereEdhirei, maguta omunyika yaOgu yeBhashani, ndozvechikamu chemhuri dzokwaMakiri mwanakomana waManase. 32Ndidzodzi nhaka dzakagoverwa naMosesi mumapani eMoabhu kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva kweJeriko. 33Asi Mosesi haana kugovera vedzinza rokwaRevhi nhaka, Tenzi Mwari wavaIsiraeri ndonhaka yavo, sezvaakavaudza.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 13: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.