Joshua 14:13-15
Joshua 14:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake. Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomwoyo wake wose. Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati‐aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Joshua 14:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Joshua akaropafadza Karebhu, mwanakomana waJefune akamupa Hebhuroni senhaka yake. Naizvozvo Hebhuroni yakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kubvira ipapo, nokuti akatevera Jehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. (Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.) Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo.
Joshua 14:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akakomborera Karebhu mwanakomana waJefune ndokumupa guta reHebhuroni senhaka. Saka Hebhuroni yakabva yava nhaka yokwaKerebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira pari nhasi nokuti akaramba akati kwati kwati naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Joshua 14:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebi mŋanakomana waJefune Hebroni, iʋe nhaka yake. Naiɀoɀo Hebroni rakazoʋa nhaka yaKarebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga ateʋera Jehova Mŋari waIsraeri nomŋoyo wake wose. Zita reHebroni pakutaŋga rakaŋga riri Kiriati‐arba; iye Arba wakaŋga ari munhu mukuru pakati paʋaAnaki ʋose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Joshua 14:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)