Joshua 14:10-12
Joshua 14:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu! Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare. Zvino chindipa nyika iyo yamakomo, yandakavimbiswa naJehovha musi iwoyo. Iwe pachako wakanzwa kare kuti vaAnaki vakanga varipo uye kuti maguta avo akanga ari makuru uye akakomberedzwa, asi Jehovha achindibatsira, ndichavadzinga sezvaakataura.”
Joshua 14:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda. Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.”
Joshua 14:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino chionai, Tenzi akandichengeta sokutaura kwake makore aya makumi mana ana mashanu kubvira musi waataura izvozvi kuna Mosesi, vaIsiraeri vachangunofamba murenje. Hezvino nhasi uno ndava namakore makumi masere ana makore mashanu okuberekwa. Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo. Saka ndipei zvangu nyika yamakomo yakataurwa naTenzi musi uya. Imi makangozvinzwirawo moga musi uya kuti hofori dzokwaAnakimu dziriko, dzina maguta adzo ane tsvingo. Pamwe Tenzi angangondibatsira, ndikavatorera nyika yavo, sokutaura kwakaita Tenzi.”
Joshua 14:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tarira, Jehova wakandiceŋgeta ndiri mupenyu, seɀaakataura, makore ano anamakumi manna namashanu kubva paŋguʋa Jehova yaakataura shoko iri kunaMosesi, ʋaIsraeri ʋacafamba murenje; ɀino, tarira, nhasi ndaʋa namakore anamakumi masere namashanu. Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda. Naiɀoɀo ɀino cindipa nyika iyi yamakomo yakarebga naJehova musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti ʋaAnaki ʋakaŋga ʋari’po namaguta makuru anamaȿiŋgo; ɀimŋe Jehova ucaʋa neni, ndikagona kuʋadziŋga, seɀakataurwa naJehova.
Joshua 14:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)