Joshua 1:1-4
Joshua 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti, “Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri. Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi. Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kurwizi rukuru, Yufuratesi, nenyika yose yavaHiti, ichisvika kuGungwa Guru riri kumavirazuva.
Joshua 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati, “Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri. Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.

Joshua 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, “Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu.
Joshua 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi, muranda waJehova, wakati afa, Jehova akataura naJoshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati: Mosesi, muranda waŋgu wafa; ɀino simuka iwe uyambuke Joridani urwu, iwe naʋanhu aʋa ʋose, muende kunyika yandinoʋapa iʋo ʋana ʋaIsraeri. Nɀimbo imŋe neimŋe icatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, seɀandakataura naMosesi. Kubva murenje neRebanoni iri, kuȿikira parwizi rukuru, irwo rwizi Ufratesi, nenyika yose yaʋaHeti, kuȿikira kuguŋgwa guru, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiyo nyika yenyu.
Joshua 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)