Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, “Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu.
Verenga chikamu Joshuwa 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 1:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo