Zvino Mosesi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati, “Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri. Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.
Verenga chikamu Joshua 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 1:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo