Jobho 8:1-20
Jobho 8:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati, “Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira riniko? Ko Mwari angakanganisa pakutonga here? WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?” Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo; Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose; Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama. Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo. Nokuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo. (Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu; Nokuti mazuva edu panyika akafanana nomumvuri;) Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamwoyo yavo here? Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here? Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosava mimwe miriwo ichigere. Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokanganwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera; Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande. Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari. Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake. Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe. Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, “Handina kukuona;” Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe. Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa.
Jobho 8:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndipo pakazopindurawo Bhiridhadhi muShuhi achiti, “Ucharamba uchitaura uchidai kusvikira riniko, mashoko ako achinge dutu remhepo kudaro? Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka. Kutangisa kwako kungave kuduku zvako asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru. “Chimbobvunzawo zvako zvizvarwa zvakapfuura, umborangarira zvakaonekwa namadzibaba. Nokuti isu tiri vazuroka isu, zvatinoziva hapana nokuti mazuva edu panyika akangofanana nomumvuri. Havangakudzidzise here vachitaura mazwi anobva mukunzwisisa kwavo? Idzo nhokwe dzingakure nhai pasina machakwi, tsanga dzingaite zararira here pasina mvura? Zvichina maruva hazvo uye zvisina kuchekwa zvinotangira zvimwe zvinomera kuuna. Ndiro gwara ravose vanokanganwa Mwari chitarisiro chaasiri munamati chinoparara. Chivimbo chake chinoita chimwandamwanda, chaanovimba nacho imba zvayo yebuwe. Anozendama paimba yake iyoyo asi kumira haimiri, anoti mbunde nayo asi haimiri. Muzuva anokasira kwazvo kukura achipasa kwazvo nhungiro mubindu rake rose. Midzi yake inomonererana namatombo kusvika paruware. Anogara pakati pamabwe kungodzurwa chete panzvimbo pake panoti hatimbokuziva Ndirwo chete rufarowo rwaanowana dzimwe dzinokura panyika dzotora nzvimbo yake. “Chinzwa, Mwari haarasi munhu asina mhosva. Iye haaitiwo ushamwari navanoita zvakaipa.
Jobho 8:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta. Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here? Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo, nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri. Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here? Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here? Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa. Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara. Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande. Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu; unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo. Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’ Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu. “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
Jobho 8:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndipo pakazopindurawo Bhiridhadhi muShuhi achiti, “Ucharamba uchitaura uchidai kusvikira riniko, mashoko ako achinge dutu remhepo kudaro? Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka. Kutangisa kwako kungave kuduku zvako asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru. “Chimbobvunzawo zvako zvizvarwa zvakapfuura, umborangarira zvakaonekwa namadzibaba. Nokuti isu tiri vazuroka isu, zvatinoziva hapana nokuti mazuva edu panyika akangofanana nomumvuri. Havangakudzidzise here vachitaura mazwi anobva mukunzwisisa kwavo? Idzo nhokwe dzingakure nhai pasina machakwi, tsanga dzingaite zararira here pasina mvura? Zvichina maruva hazvo uye zvisina kuchekwa zvinotangira zvimwe zvinomera kuuna. Ndiro gwara ravose vanokanganwa Mwari chitarisiro chaasiri munamati chinoparara. Chivimbo chake chinoita chimwandamwanda, chaanovimba nacho imba zvayo yebuwe. Anozendama paimba yake iyoyo asi kumira haimiri, anoti mbunde nayo asi haimiri. Muzuva anokasira kwazvo kukura achipasa kwazvo nhungiro mubindu rake rose. Midzi yake inomonererana namatombo kusvika paruware. Anogara pakati pamabwe kungodzurwa chete panzvimbo pake panoti hatimbokuziva Ndirwo chete rufarowo rwaanowana dzimwe dzinokura panyika dzotora nzvimbo yake. “Chinzwa, Mwari haarasi munhu asina mhosva. Iye haaitiwo ushamwari navanoita zvakaipa.
Jobho 8:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Birdadi muShuhi wakapindura akati: Ucaramba ucitaura mashoko awa kuȿikira riniko? Mashoko omuromo wako acafanana neɗutu guru kuȿikira riniko? Ko Mŋari uŋgakaŋganisa pakutoŋga here? Wamasimba ose uŋgakaŋganisa ɀakarurama here? Kana ʋana ʋako ʋakaŋga ʋamutadzira iye, Akaʋaisa pakuɗarika kwaʋo; Kana iwe ukashiŋgaira kutȿaka Mŋari, Ukakumbira kunaWamasimba ose; Kana ukaʋa wakanaka, wakarurama; Iye uŋgaɗai aimuka ɀino nokuɗa kwako, Akafambisa ɀakanaka imba yako yakarurama. Kunyaŋge kutaŋga kwako kwaiʋa kuɗuku, Asi kuguma kwako kwaiʋa kukuru kwaɀo. Nokuti ciɗobvunza hako rudzi rwakare, Ucerekedze ɀakanɀerwa namadziɓaɓa aʋo. (Nokuti isu tiri ʋazuro heɗu, hatiziʋi cinhu; Nokuti mazuʋa eɗu panyika akafanana nomumvuri;) Iʋo haʋaŋgakudzidzisi here, nokukuʋudza, Nokureʋa mashoko anobva pamŋoyo yaʋo here? Ko nhokwe iŋgamera pasinenhope here? Ko rutsaŋga ruŋgamera pasinemvura here? Ruciri runyoro, rusati rwatemŋa, Runoȿaʋa mimŋe miriʋo icigere. Ndiɀo ɀakaita nzira dzaʋose ʋanokaŋganwa Mŋari; Ʋuye tariro yomunhu usiŋgaɗi Mŋari icapera; Caakatarira cicaputsanyiwa, Caakatenda cakafanana namambure eɗandemutande. Ucasendamira paimba yake, asi haiŋgamiri; Ucaiɓata, asi haiŋgagari. Iye muti mutema pamushana, Mataʋi ake anotandaʋarira pamunda wake. Midzi yake yakapombera patsime, Unoʋona nɀimbo yorukaŋgarabge. Kana akaparadzwa panɀimbo yake, Icamuramba, iciti: Handina‐kukuʋona; Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruʋa panoɓuɗa ʋamŋe. Tarira, Mŋari haaŋgarashi munhu wakarurama, Haaŋgaɓatsiri ʋanoita ɀakaipa.