Jobo 8
8
Birdadi unoraira Jobo kuti adzokere kunaMŋari, akaŋganwirwe ɀiʋi ɀake, seɀakaitirwa ʋamŋe kare.
1Ipapo Birdadi muShuhi wakapindura akati:
2Ucaramba ucitaura mashoko awa kuȿikira riniko?
Mashoko omuromo wako acafanana neɗutu guru kuȿikira riniko?
3Ko Mŋari uŋgakaŋganisa pakutoŋga here?
Wamasimba ose uŋgakaŋganisa ɀakarurama here?
4Kana ʋana ʋako ʋakaŋga ʋamutadzira iye,
Akaʋaisa pakuɗarika kwaʋo;
5Kana iwe ukashiŋgaira kutȿaka Mŋari,
Ukakumbira kunaWamasimba ose;
6Kana ukaʋa wakanaka, wakarurama;
Iye uŋgaɗai aimuka ɀino nokuɗa kwako,
Akafambisa ɀakanaka imba yako yakarurama.
7Kunyaŋge kutaŋga kwako kwaiʋa kuɗuku,
Asi kuguma kwako kwaiʋa kukuru kwaɀo.
8Nokuti ciɗobvunza hako rudzi rwakare,
Ucerekedze ɀakanɀerwa namadziɓaɓa aʋo.
9(Nokuti isu tiri ʋazuro heɗu, hatiziʋi cinhu;
Nokuti mazuʋa eɗu panyika akafanana nomumvuri;)
10Iʋo haʋaŋgakudzidzisi here, nokukuʋudza,
Nokureʋa mashoko anobva pamŋoyo yaʋo here?
11Ko nhokwe iŋgamera pasinenhope here?
Ko rutsaŋga ruŋgamera pasinemvura here?
12Ruciri runyoro, rusati rwatemŋa,
Runoȿaʋa mimŋe miriʋo icigere.
13Ndiɀo ɀakaita nzira dzaʋose ʋanokaŋganwa Mŋari;
Ʋuye tariro yomunhu usiŋgaɗi Mŋari icapera;
14Caakatarira cicaputsanyiwa,
Caakatenda cakafanana namambure eɗandemutande.
15Ucasendamira paimba yake, asi haiŋgamiri;
Ucaiɓata, asi haiŋgagari.
16Iye muti mutema pamushana,
Mataʋi ake anotandaʋarira pamunda wake.
17Midzi yake yakapombera patsime,
Unoʋona nɀimbo yorukaŋgarabge.
18Kana akaparadzwa panɀimbo yake,
Icamuramba, iciti: Handina‐kukuʋona;
19Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake;
Paguruʋa panoɓuɗa ʋamŋe.
20Tarira, Mŋari haaŋgarashi munhu wakarurama,
Haaŋgaɓatsiri ʋanoita ɀakaipa.
21Ucazozadza hake muromo wako nokuseka,
Nemiromo yako nokupururudza.
22Ʋanokuʋeŋga ʋacafukidzwa nokunyara;
Ʋuye tente raʋakaipa hariŋgazoʋi’po.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018