Ndipo pakazopindurawo Bhiridhadhi muShuhi achiti, “Ucharamba uchitaura uchidai kusvikira riniko, mashoko ako achinge dutu remhepo kudaro? Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka. Kutangisa kwako kungave kuduku zvako asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru. “Chimbobvunzawo zvako zvizvarwa zvakapfuura, umborangarira zvakaonekwa namadzibaba. Nokuti isu tiri vazuroka isu, zvatinoziva hapana nokuti mazuva edu panyika akangofanana nomumvuri. Havangakudzidzise here vachitaura mazwi anobva mukunzwisisa kwavo? Idzo nhokwe dzingakure nhai pasina machakwi, tsanga dzingaite zararira here pasina mvura? Zvichina maruva hazvo uye zvisina kuchekwa zvinotangira zvimwe zvinomera kuuna. Ndiro gwara ravose vanokanganwa Mwari chitarisiro chaasiri munamati chinoparara. Chivimbo chake chinoita chimwandamwanda, chaanovimba nacho imba zvayo yebuwe. Anozendama paimba yake iyoyo asi kumira haimiri, anoti mbunde nayo asi haimiri. Muzuva anokasira kwazvo kukura achipasa kwazvo nhungiro mubindu rake rose. Midzi yake inomonererana namatombo kusvika paruware. Anogara pakati pamabwe kungodzurwa chete panzvimbo pake panoti hatimbokuziva Ndirwo chete rufarowo rwaanowana dzimwe dzinokura panyika dzotora nzvimbo yake. “Chinzwa, Mwari haarasi munhu asina mhosva. Iye haaitiwo ushamwari navanoita zvakaipa.
Verenga chikamu Jobhu 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobhu 8:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo