Jobho 42:10-12
Jobho 42:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare. Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe. Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.
Jobho 42:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri. Ipapo vanun'una vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama. Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.
Jobho 42:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo. Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama. Tenzi akakomborera mazuva aJobhu omushure kutokunda okutanga. Akazova nehwai zvihuru gumi nezvina, nengamera zvihuru zvitanhatu, nezvipani zvenzombe churu, namadhongi makadzi churu.
Jobho 42:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akashandura kutapxa kwaJobo ŋguʋa yaakanyeŋgeterera shamŋari dzake; Jehova akapa Jobo ɀaakaŋga anaɀo pakutaŋga kaʋiri. Ipapo ʋanuŋuna ʋake ʋose, nehanɀadzi dzake dzose, naʋazikani ʋake ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakaʋuya kwaari, ʋakadya ɀokudya mumba make; ʋakamuɗemba nokumunyaradza pamsoro peɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀaʋuyiswa naJehova pamsoro pake; munhu mumŋe nomumŋe wakamupa ʋo cimari, nomumŋe nomumŋe cindori cendarama. Saiɀoɀo Jehova akaropafadza kupedzisira kwaJobo kupfuʋura kutaŋga kwake; wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀinegumi neɀinna, namakamera aneɀuru ɀitanhatu, nenzombe dziŋgasuŋgwa pamajoko dzinecuru cimŋe, namakadzi emboŋgoro anecuru cimŋe.
Jobho 42:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)