Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 42

42
Jobo unoɀireʋurura ɀiʋi ɀake. Unotenda Mŋari.
1Ipapo Jobo wakapindura Jehova, akati:
2Ndinoziʋa kuti imi munogona kuita ɀose,
Ʋuye kuti hakuna‐camunoʋaʋarira ɀiŋgadziʋiswa.
3Ndianiko uyu unodzikatira zano raMŋari asineziʋo?
Naiɀoɀo ndakataura ɀandakaŋga ndisiŋganzwisisi,
Ɀinhu ɀakandishamisa kwaɀo, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi.
4Ciɗonzwai henyu, nditaure ini;
Ndicakubvunzai, imi mundiɗudzire.
5Ndakaŋga ndanzwa ɀenyu nokunzwa kwenzeʋe;
Asi ɀino ziso raŋgu rinokuʋonai,
6Saka ndinoɀisema, nokuɀiɗemba
Muguruʋa namaɗota.
Jobo unodzoserwa mufaro wake wose.
7Ɀino Jehova wakati ataura mashoko iwayo kunaJobo, Jehova akati kunaErifazi muTemani: Ndakutsamŋira kwaɀo iwe neshamŋari dzako mbiri, nokuti imi hamuna‐kutaura ɀakarurama pamsoro paŋgu, seɀakaita muranda waŋgu Jobo. 8Naiɀoɀo ɀino citorai nzombe nomŋe namakondobge manomŋe, muende kumuranda waŋgu Jobo, muɀipisire cipiriso cinopiswa; ɀino muranda waŋgu Jobo ucakunyeŋgetererai; nokuti ndicamugamucira iye, kuti ndirege kukuitirai ɀakaenzana noʋupenzi bgenyu; nokuti imi hamuna‐kutaura pamsoro paŋgu ɀakarurama, seɀakaita muranda waŋgu Jobo. 9Ɀino Erifazi muTemani, naBirdadi muShuhi, naZofari muNaamati, ʋakandoita seɀaʋakarairwa naJehova; Jehova akagamucira Jobo. 10Jehova akashandura kutapxa kwaJobo ŋguʋa yaakanyeŋgeterera shamŋari dzake; Jehova akapa Jobo ɀaakaŋga anaɀo pakutaŋga kaʋiri. 11Ipapo ʋanuŋuna ʋake ʋose, nehanɀadzi dzake dzose, naʋazikani ʋake ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakaʋuya kwaari, ʋakadya ɀokudya mumba make; ʋakamuɗemba nokumunyaradza pamsoro peɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀaʋuyiswa naJehova pamsoro pake; munhu mumŋe nomumŋe wakamupa ʋo cimari, nomumŋe nomumŋe cindori cendarama. 12Saiɀoɀo Jehova akaropafadza kupedzisira kwaJobo kupfuʋura kutaŋga kwake; wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀinegumi neɀinna, namakamera aneɀuru ɀitanhatu, nenzombe dziŋgasuŋgwa pamajoko dzinecuru cimŋe, namakadzi emboŋgoro anecuru cimŋe. 13Akazoʋa ʋo naʋanakomana ʋanomŋe naʋanasikana ʋatatu. 14Akatumidza wokutaŋga zita rinonzi Jemima, nowecipiri zita rinonzi Kezia, nowecitatu zita rinonzi Kereni‐hapuki. 15Panyika yose hapana‐kuwanikwa ʋakadzi ʋakanaka paɀiso ɀaʋo ʋakapfuʋura ʋakunda ʋaJobo; ɓaɓa ʋaʋo ʋakaʋapa ʋo nhaka pakati pehanɀadzi dzaʋo. 16Shure kwaiɀoɀo Jobo wakazogara makore anezana namakumi manna, akaʋona ʋanakomana ʋake, naʋanakomana ʋaʋanakomana ʋake, kuȿikira pamarudzi manna. 17Ɀino Jobo akazofa, akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 42: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda