Johani 13:18-38
Johani 13:18-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Handirevi izvi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuti azorwa neni.’ “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.” Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.” Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?” Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni. Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,” asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze. Uye hwaiva usiku. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo. “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.” Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?” Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.” Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”

Johani 13:18-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’ Kubva zvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, noanondigamuchira ini, anogamuchira akandituma.” Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani. Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu. Simoni Petirosi akamuninira, akati kwaari, “Tiudzei kuti ndianiko waanoreva.” Iye akavata pachipfuva chaJesu, akati kwaari, “Ishe, ndianiko?” Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti. Iye akati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” Asi kwakanga kusina mumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, akaziva kuti akareverei izvozvi kwaari. Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.” Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; hwakanga huri usiku. Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’ “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Ishe, munoendepiko?” Jesu akapindura, akati, “Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.” Petirosi akati kwaari, “Ishe, handingakutevereyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.” Jesu akapindura, akati, “Uchandifira here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.
Johani 13:18-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’ Ndiri kukutaurirai izvi iye zvino zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutende kuti ndini iye ari. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, ‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini. Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ” Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti. Paakatambira musuva iwoyo Satani akapinda maari Jesu ndokumuti, “Zvauri kuda kuita chikurumidza kuzviita.” Kune vaiva pakudya hapana akaziva kuti akataurirei izvi. Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.” Paakangogamuchira musuva uya akabva abuda pakarepo. Hwakanga hwava husiku. Pakabuda Judhasi, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana womunhu awaniswa mbiri uye maari Mwari anowaniswa mbiri. Kana Mwari awaniswa mbiri maari Mwariwo achamuwanisa mbiri maari iye pachake achibva amuwanisa mbiri iyoyo pakarepo. Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka, asi sezvandakataurira vaJudha, ndizvowo zvandinokutaurirai kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako. Asi ndinokupai mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai kwandakaita, imi idanaiwo. Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana.” Simoni Pita akati kwaari, “Tenzi muri kuenda kupi?” Jesu akapindura achiti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino asi uchanditevera zvako gare gare.” Pita akati kwaari, “Tenzi ndinotadza nei kukuteverai zvino? Ini ndinosarudza kukufirai.” Jesu akapindura achiti, “Heya unosarudza kundifira iwe? Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri Jongwe rinosara zvaro rokukuridza iwe unenge watondiramba katatu.”
Johani 13:18-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake. Kubva ɀino ndinokuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti kana ɀiciitwa, mugotenda kuti ndini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unogamucira wandinotuma, unogamucireni, nounondigamucira ini, unogamucira wakandituma. Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira. Ʋadzidzi ʋakatarirana, ʋasiŋgaziʋi kuti wareʋa ani. Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu. Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tiʋudzei kuti ndianiko waanoreʋa. Iye akaʋata pacifuʋa caJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko? Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti. Iye wakati agamucira cimeɗu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Ɀaunoita, ita ucikurumidza. Asi kwakaŋga kusinomumŋe kunaʋakaŋga ʋagere naye pakudya, wakaziʋa kuti wakareʋerei iɀoɀi kwaari. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu. Iye akati agamucira cimeɗu, akaɓuɗa pakarepo; bgakaŋga bguri ʋusiku. Ɀino wakati aɓuɗa, Jesu akati: Ɀino Mŋanakomana womunhu wakudzwa, naMŋari wakudzwa maari; kana Mŋari akudzwa maari, Mŋari ucamukudza iye maari, ucamukudza pakarepo. Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo. Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo. Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu. Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akapindura, akati: kwandinoenda, hauŋganditeʋeri ɀino; asi ucanditeʋera pashure. Petro akati kwaari: Ishe, handiŋgakuteʋeriyi ɀino neiko? Ndicakufirai ini. Jesu akapindura, akati: Ucandifira here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Joŋgwe hariŋgariri, usati wandiramba katatu.
Johani 13:18-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)