Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:18-38

Johani 13:18-38 SCLBD

Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’ Ndiri kukutaurirai izvi iye zvino zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutende kuti ndini iye ari. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, ‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini. Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ” Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti. Paakatambira musuva iwoyo Satani akapinda maari Jesu ndokumuti, “Zvauri kuda kuita chikurumidza kuzviita.” Kune vaiva pakudya hapana akaziva kuti akataurirei izvi. Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.” Paakangogamuchira musuva uya akabva abuda pakarepo. Hwakanga hwava husiku. Pakabuda Judhasi, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana womunhu awaniswa mbiri uye maari Mwari anowaniswa mbiri. Kana Mwari awaniswa mbiri maari Mwariwo achamuwanisa mbiri maari iye pachake achibva amuwanisa mbiri iyoyo pakarepo. Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka, asi sezvandakataurira vaJudha, ndizvowo zvandinokutaurirai kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako. Asi ndinokupai mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai kwandakaita, imi idanaiwo. Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana.” Simoni Pita akati kwaari, “Tenzi muri kuenda kupi?” Jesu akapindura achiti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino asi uchanditevera zvako gare gare.” Pita akati kwaari, “Tenzi ndinotadza nei kukuteverai zvino? Ini ndinosarudza kukufirai.” Jesu akapindura achiti, “Heya unosarudza kundifira iwe? Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri Jongwe rinosara zvaro rokukuridza iwe unenge watondiramba katatu.”

Verenga chikamu Johani 13