Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:18-38

Johani 13:18-38 SNA2002

“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’ Kubva zvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, noanondigamuchira ini, anogamuchira akandituma.” Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani. Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu. Simoni Petirosi akamuninira, akati kwaari, “Tiudzei kuti ndianiko waanoreva.” Iye akavata pachipfuva chaJesu, akati kwaari, “Ishe, ndianiko?” Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti. Iye akati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” Asi kwakanga kusina mumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, akaziva kuti akareverei izvozvi kwaari. Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.” Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; hwakanga huri usiku. Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’ “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” Simoni Petirosi akati kwaari, “Ishe, munoendepiko?” Jesu akapindura, akati, “Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.” Petirosi akati kwaari, “Ishe, handingakutevereyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.” Jesu akapindura, akati, “Uchandifira here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.

Verenga chikamu Johani 13