handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake. Kubva ɀino ndinokuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti kana ɀiciitwa, mugotenda kuti ndini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unogamucira wandinotuma, unogamucireni, nounondigamucira ini, unogamucira wakandituma.
Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira. Ʋadzidzi ʋakatarirana, ʋasiŋgaziʋi kuti wareʋa ani. Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu. Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tiʋudzei kuti ndianiko waanoreʋa. Iye akaʋata pacifuʋa caJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko? Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti. Iye wakati agamucira cimeɗu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Ɀaunoita, ita ucikurumidza. Asi kwakaŋga kusinomumŋe kunaʋakaŋga ʋagere naye pakudya, wakaziʋa kuti wakareʋerei iɀoɀi kwaari. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu. Iye akati agamucira cimeɗu, akaɓuɗa pakarepo; bgakaŋga bguri ʋusiku.
Ɀino wakati aɓuɗa, Jesu akati: Ɀino Mŋanakomana womunhu wakudzwa, naMŋari wakudzwa maari; kana Mŋari akudzwa maari, Mŋari ucamukudza iye maari, ucamukudza pakarepo. Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo. Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo. Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu. Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akapindura, akati: kwandinoenda, hauŋganditeʋeri ɀino; asi ucanditeʋera pashure. Petro akati kwaari: Ishe, handiŋgakuteʋeriyi ɀino neiko? Ndicakufirai ini. Jesu akapindura, akati: Ucandifira here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Joŋgwe hariŋgariri, usati wandiramba katatu.