Jeremia 37:11-21
Jeremia 37:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro, Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko. Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!” Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda. Ivo vakatsamwira Jeremia vakaita kuti arohwe uye kuti aiswe mutorongo mumba maJonatani munyori, yavakanga vaita torongo. Jeremia akaiswa mutorongo romugomba, umo maakagara nguva yakareba. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume kundomutora akaita kuti aiswe kumuzinda, kwaakamubvunza pakavanda, achiti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?” Jeremia akapindura akati, “Hongu, muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.” Ipapo Jeremia akati kuna Mambo Zedhekia, “Mhaka yandakapara nemi kana machinda enyu kana navanhu ava, ndeyeiko kuti mundipfigire mutorongo? Varipiko vaprofita venyu vakakuprofitirai vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haazi kuzokurwisai kana kurwisa nyika ino’? Asi zvino ishe wangu mambo, ndapota inzwai. Regai ndisvitse kwamuri chikumbiro changu: Musandidzoserazve kumba kwaJonatani munyori nokuti ndingafirako.” Ipapo mambo Zedhekia akarayira kuti Jeremia aiswe muruvazhe rwavarindi uye kuti apiwe chingwa chaibva mumugwagwa wavabiki zuva rimwe nerimwe kusvikira musisina chingwa muguta. Saka Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi.
Jeremia 37:11-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao, Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake. Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.” Jeremiya akati, “Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea.” Asi haana kumuterera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda. Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo. Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji, mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.” Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, “Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo? Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofiterai, vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?’ Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.” Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Jeremia 37:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino hondo yavaKaridhea zvayakanga yabva Jerusaremu kudaro nokuuya kwakanga kuchiita hondo yaFarao, Jeremiya akasimuka muJerusaremu oenda kunyika yokwaBhenjamini, kundogoverwa nhaka yake pakati pavanhu. Paakasvika paSuo Guru rokwaBhenjamini mumwe mugariri wepo ainzi Iriya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muporofita Jeremiya achiti, “Kutizira kuvaKaridhea kwawava kuitaka iwe!” Jeremiya ndokuti, “Handizvo! Handisi kutizira kuvaKaridhea ini!” Asi Iriya haana kumbomuteerera, akabata Jeremiya akamuunza kumachinda. Machinda akabva apengera Jeremiya nehasha, vakamurova vakamuisa mujeri mumba yomunyori, Jonatani nokuti yakanga yaitwa jeri. Jeremiya paakanga aiswa mujeri rapasi, agaramo mazuva mazhinji, mambo Zedhekiya akatuma vanhu kundomutora ndokubva amugamuchira. Mambo akamubvunza muchivande mumuzinda make kuti, “Pane shoko rabva kuna Tenzi here?” Jeremiya akati, “Hongu riripo.” Akabva ati, “Imimi muchaiswa mumaoko amambo weBhabhironi.” Jeremiya akatizve kuna mambo Zedhekiya, “Chii chaizvo chandakakutadzirai imi namakurukota enyu navanhu ava chakakonzera kuti mundiise mujeri? Varipiko zvino vaporofita venyu vaya vaikutaurira vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuzokurwisai kana kuzorwisa nyika ino?’ Zvino chinzwai imi changamire wangu, mambo! Ndateterera hangu donzwaiwo chichemo changu murege kundidzosera kumba kwaJonatani, munyori uya, ndingadaro ndikafirako.” Nokudaro mambo Zedhekiya akatema zvaifanira kuitwa, vanhu vakabva vachengetera Jeremiya munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Izvozvo Jeremiya akanga ava kupiwa chingwa chimwechete pazuva chichibva kumugwagwa weguta wainzi Wavabiki Vechingwa kusvikira chingwa chose chomuguta chapera. Saizvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo.
Jeremia 37:11-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino hondo yaʋaKardea yakati yarega kukomba Jerusarema nemhaka yokutya hondo yaFarao, Jeremia akaɓuɗa Jerusarema aciɗa kuenda kunyika yaʋaBenjamini, kuzopiwa mugoʋe wake’po pakati paʋanhu ʋake. Ɀino wakati ari pasuʋo raBenjamini, mumŋe mukuru waʋarindi akaȿika’po, wainzi Irija mŋanakomana waSheremia, mŋanakomana waHanania, iye akaɓata muprofita Jeremia, aciti: Iwe wotishandukira ucienda kuʋaKardea. Jeremia akati: Inhema, handikushandukiriyi ndicienda kuʋaKardea. Asi haana‐kumuterera; ipapo Irija akaɓata Jeremia, akandomuisa kumacinda. Macinda akaitira Jeremia hasha, akamuroʋa, ndokumuisa mutoroŋgo mumba momunyori Jonatani; nokuti ʋakaŋga ʋaiita toroŋgo. Ɀino Jeremia wakati apinda mutoroŋgo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremia agara’mo mazuʋa mazhinji, mambo Zedekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza cinyararire mumba make, aciti: Kuneshoko rinobva kunaJehova here? Jeremia akati: Riri’ko. Akati ʋo: Imi mucaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi. Jeremia akati ʋo kunamambo Zedekia: Ndakakutadzirai neiko, imi, kana ʋaranda ʋenyu, kana ʋanhu aʋa, ɀamakandisuŋga mutoroŋgo? Ko ɀino ʋaprofita ʋenyu ʋaripi, iʋo ʋaikuprofiterai, ʋaciti: Mambo weBabironi haaŋgaʋuyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino? Ɀino ciɗonzwai henyu, ishe waŋgu mambo; kunyeŋgetera kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, kuti murege kundidzosa ɀe kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufira’po. Ipapo mambo Zedekia wakatema cireʋo, ʋakaisa Jeremia kuruʋazhe rwaʋarindi, ʋakamupa zuʋa rimŋe nerime ɓundu reciŋgwa, raibva munzira yomuguta yainzi yaʋaɓiki ʋeciŋgwa, kuȿikira ciŋgwa cose capera muguta. Saiɀoɀo Jeremia akagara muruʋazhe rwaʋarindi.
Jeremia 37:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)