Zvino hondo yavaKaridhea zvayakanga yabva Jerusaremu kudaro nokuuya kwakanga kuchiita hondo yaFarao, Jeremiya akasimuka muJerusaremu oenda kunyika yokwaBhenjamini, kundogoverwa nhaka yake pakati pavanhu. Paakasvika paSuo Guru rokwaBhenjamini mumwe mugariri wepo ainzi Iriya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muporofita Jeremiya achiti, “Kutizira kuvaKaridhea kwawava kuitaka iwe!” Jeremiya ndokuti, “Handizvo! Handisi kutizira kuvaKaridhea ini!” Asi Iriya haana kumbomuteerera, akabata Jeremiya akamuunza kumachinda. Machinda akabva apengera Jeremiya nehasha, vakamurova vakamuisa mujeri mumba yomunyori, Jonatani nokuti yakanga yaitwa jeri. Jeremiya paakanga aiswa mujeri rapasi, agaramo mazuva mazhinji, mambo Zedhekiya akatuma vanhu kundomutora ndokubva amugamuchira. Mambo akamubvunza muchivande mumuzinda make kuti, “Pane shoko rabva kuna Tenzi here?” Jeremiya akati, “Hongu riripo.” Akabva ati, “Imimi muchaiswa mumaoko amambo weBhabhironi.” Jeremiya akatizve kuna mambo Zedhekiya, “Chii chaizvo chandakakutadzirai imi namakurukota enyu navanhu ava chakakonzera kuti mundiise mujeri? Varipiko zvino vaporofita venyu vaya vaikutaurira vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuzokurwisai kana kuzorwisa nyika ino?’ Zvino chinzwai imi changamire wangu, mambo! Ndateterera hangu donzwaiwo chichemo changu murege kundidzosera kumba kwaJonatani, munyori uya, ndingadaro ndikafirako.” Nokudaro mambo Zedhekiya akatema zvaifanira kuitwa, vanhu vakabva vachengetera Jeremiya munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Izvozvo Jeremiya akanga ava kupiwa chingwa chimwechete pazuva chichibva kumugwagwa weguta wainzi Wavabiki Vechingwa kusvikira chingwa chose chomuguta chapera. Saizvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo.
Verenga chikamu Jeremiya 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremiya 37:11-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo