Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao, Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake. Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.”
Jeremiya akati, “Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea.” Asi haana kumuterera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda. Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo. Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji, mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”
Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, “Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo? Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofiterai, vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?’ Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.”
Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.