Jeremia 23:23-24
Jeremia 23:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure? Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 23:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ko ini ndiri Mwari uri pedyo, ndisati ndiri Mwari uri kure here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 23:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tenzi ari kuti ko ndiri Mwari ari pedyo chete, handisi Mwari ari kurewo here? Iye munhu angagone nhai kubva ahwanda munzvimbo dzokuvanda zvokubva ndatadza kumuona? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handiti ini ndinozadza denga nenyika here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Jeremia 23:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko ini ndiri Mŋari uri pedyo, ndisati ndiri Mŋari uri kure here? ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko munhu uri’po uŋgaʋanda panɀimbo dzisiŋgazikanwi, ini ndikasamuʋona here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko ini handizadzi ɗeŋga nenyika here? ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 23:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)