Jeremia 2:1-13
Jeremia 2:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: “ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei uye uchinditevera nomukati merenje, uye nomunyika isina munhu anogaramo. Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri. Zvanzi naJehovha: “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo. Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?’ Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza. Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo. “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichapazve mhosva vana vavana venyu. Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai: Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
Jeremia 2:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, ‘Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudyarwa. Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko raJehovha, imi imba yaJakobho, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri, Zvanzi naJehovha, “Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo? Uye havana kureva, vachiti, ‘Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?’ Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza. Vapristi havana kuti, ‘Jehovha uripiko?’ Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitera Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri. “Saka zvanzi naJehovha, ‘Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.’ Nokuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai. Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri. Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.
Jeremia 2:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri. Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo? “Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako? “Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa. “Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko. “Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai. Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi; nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.
Jeremia 2:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri: Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo? Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu? Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza. Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu. Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai. Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura.
Jeremia 2:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)