Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri: Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo? Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu? Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza. Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu. Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai. Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura.