Jeremia 17:7-8
Jeremia 17:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
Jeremia 17:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
Jeremia 17:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Akakomborerwa munhu anovimba naTenzi, munhu ane chivimbo naTenzi akaita somuti wakasimwa pamvura unoendesa midzi yawo mukakova hauzozeza kupisa kana kuchiuya nokuti mashizha awo anoramba akasvibira uye hauzotyira gore rokushaikwa kwemvura nokuti haumborega kubereka muchero.
Jeremia 17:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaropafadzwa iye munhu unoʋimba naJehova, wakaita Jehova ciʋimbo cake. Nokuti ucaʋa somuti wakasimŋa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usiŋgatyi kana kupisa kuciȿika, asi mashizha awo acaʋa matema; hauŋgaraŋgariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kuɓereka ɀiɓereko.
Jeremia 17:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)