Jeremiya 17
17
1“Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedaimani; zvakatemwa pamahwendefa emwoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu; 2nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira. 3Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nepfuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose. 4Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nokuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.”
5Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomwoyo unotsauka kuna Jehovha. 6Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu. 7Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. 8Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko. 9Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva? 10Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” 11Segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira pfuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
12Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga. 13Imi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nokuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
14Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza.
15Tarirai, vanoti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.”
16Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi; imi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu. 17Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa. 18Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa.
Vanochengeta Sabata vacharopafadzwa
19Jehovha wakati kwandiri, “Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu; 20uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuo awa.’
21“Zvanzi naJehovha, ‘Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva reSabata, kana kupinda nawo napamusuo eJerusaremu; 22musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva reSabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva reSabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.’ 23Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
24“Zvino zvanzi naJehovha, ‘Kana mukanatsa kunditerera, mukasapinda nomutoro napamasuo eguta rino nezuva reSabata, asi muchitsaura zuva reSabata, musingabati basa ripi neripi naro; 25ipapo pachapinda napamasuo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.’
26“Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuwonga nazvo kuimba yaJehovha. 27Asi kana mukaramba kunditerera, mukaramba kutsaura zuva reSabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuo eJerusaremu nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu, usingazodzimwi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002