Jeremia 17
17
1Ɀiʋi ɀaJuda ɀakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedaimani; ɀakatemŋa pamahwendefa emŋoyo yaʋo, napanyaŋga dzamaartari enyu; 2ŋguʋa dzose kana ʋana ʋaʋo ʋaciraŋgarira maartari aʋo nemiti yaʋo yakatsaurwa pamiti mitema paɀikomo ɀakakwirira. 3Iwe gomo raŋgu riri kusaŋgo, nhumbi dzako nefuma yako yose ndicaɀitapisa, nenɀimbo dzako dzakakwirira, nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu ɀiri mumiganho yenyu yose. 4Nemi, iyemi mumene, mucarega nhaka yenyu yandakakupai; ndicakuitai ʋaranda ʋaʋaʋeŋgi ʋenyu munyika yamusiŋgaziʋi, nokuti makaɓatidza mŋoto pakutsamŋa kwaŋgu, ucapfuta nokusiŋgaperi.
5Ɀanzi naJehova: Ŋgaatukwe iye munhu unoʋimba nomumŋe munhu, unoita nyama yomunhu ruʋoko rwake, unomŋoyo unotsauka kunaJehova. 6Nokuti ucafanana negwenzi murenje, haaŋgaʋoni kana ɀakanaka ɀiciȿika, asi ucagara panɀimbo dzakawoma kwaɀo murenje, munyika yeɓare isiŋgagarwi naʋanhu. 7Wakaropafadzwa iye munhu unoʋimba naJehova, wakaita Jehova ciʋimbo cake. 8Nokuti ucaʋa somuti wakasimŋa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usiŋgatyi kana kupisa kuciȿika, asi mashizha awo acaʋa matema; hauŋgaraŋgariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kuɓereka ɀiɓereko. 9Mŋoyo unonyeŋgera kupfuʋura ɀinhu ɀose, wakaʋora cose, ndiani uŋgauziʋa? 10Ini Jehova, ndinonɀera mŋoyo, ndinoidza itȿo, kuti ndipe mumŋe nomumŋe ɀakafanira mugarire wake, ʋuye ɀakafanira ɀiɓereko ɀamaɓasa ake. 11Segwari rinogarira mazai arisina‐kukandira rimene, ndiɀo ɀakaita iye unoɀiwanira fuma nokusarurama; icamusiya pakati pamazuʋa ake, pakupedzisira kwake ricaʋa ɓenzi.
12Nɀimbo yeimba yeɗu tȿene cigaro coʋushe cakaiȿo‐naka, cakaŋga cakakwirira kubva pakutaŋga. 13Imi Jehova, tariro yaIsraeri, ʋose ʋanokurashai ʋacanyadziswa; ʋanotsauka kwandiri ʋacanyorwa muvu, nokuti ʋakarasha Jehova, iro tsime remvura mhenyu. 14Ndiporesei Jehova, ipapo ndicaponeswa; ndiponesei, ipapo ndicaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza. 15Tarirai, ʋanoti kwandiri: Shoko raJehova riripiko? Ŋgariʋuye ɀino. 16Kana ndirini, handina‐kukurumidza kusakuteʋerai somufudzi, handina‐kushuʋa zuʋa renjodzi; imi munoziʋa; ɀakaɓuɗa mumuromo maŋgu ɀakaŋga ɀiri pamberi penyu. 17Musaʋa kwandiri cinhu cinotyisa; imi muri ʋutiziro bgaŋgu nezuʋa reɀakaipa. 18Ʋanonditambudza ŋgaʋanyadiswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ŋgaʋavunduswe iʋo, asi ini ndirege kuvunduswa; ʋuyisai kwaʋari zuʋa reɀakaipa, muʋaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa.
Ʋanoceŋgeta saɓata ʋacaropafadzwa.
19Jehova wakati kwandiri: Enda undomira musuʋo raʋana ʋaʋanhu, panopinda madzimambo aJuda, napaʋanoɓuɗa, napamasuʋo ose eJerusarema; 20uti kwaʋari: Inzwai shoko raJehova, imi madzimambo aJuda, naʋaJuda ʋose, naʋose ʋagere Jerusarema, ʋanopinda napamasuʋo awa: 21Ɀanzi naJehova: Ɀicenjerei, murege kutakura mutoro nezuʋa resaɓata, kana kupinda nawo napamasuʋo eJerusarema; 22musaɓuɗa makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuʋa resaɓata, kana kuɓate‐ɓasa ripi neripi; asi mutsaure zuʋa resaɓata, seɀandakaraira madziɓaɓa enyu. 23Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo kuti ʋarege kunzwa, ʋarege kudzidziswa. 24Ɀino ɀanzi naJehova: Kana mukanatsa kunditerera, mukasapinda nomutoro napamasuʋo eguta rino nezuʋa resaɓata, asi mucitsaura zuʋa resaɓata, musiŋgaɓati ɓasa ripi neripi naro; 25ipapo pacapinda napamasuʋo eguta rino madzimambo namacinda anogara pacigaro coʋushe caDavidi, anofamba neŋgoro namabiza, iwo, namacinda awo, naʋarume ʋaJuda, naʋagere Jerusarema; guta rino ricaʋa’po nokusiŋgaperi. 26Ʋacabva kumaguta aJuda, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, napanyika yaBenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutiʋi rwezasi, ʋaciʋuya neɀipiriso ɀinopiswa, neɀiɓayiro, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀinonhuwira, ʋaciʋuya neɀokuʋoŋga naɀo kuimba yaJehova. 27Asi kana mukaramba kunditerera, mukaramba kutsaura zuʋa resaɓata, mucitakura mutoro mucipinda nawo napamasuʋo eJerusarema nezuʋa resaɓata, ipapo ndicaɓatidza mŋoto pamasuʋo aro, ucapedza dzimba dzamambo dzeJerusarema, usiŋgazodzimŋi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018