Jeremia 17:5-9
Jeremia 17:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha. Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu. “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.” Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva?
Jeremia 17:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomwoyo unotsauka kuna Jehovha. Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu. Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko. Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
Jeremia 17:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, “Ane rushambwa munhu anovimba nomunhu, anoti munhu, ndiye simba rake ane mwoyo wokufuratira Mwari. “Akafanana negwenzi riri mugwenga hapana chakanaka chaanowana. Achagara munzvimbo dzakaoma dzomugwenga, munyika yebare isingagare munhu. “Akakomborerwa munhu anovimba naTenzi, munhu ane chivimbo naTenzi akaita somuti wakasimwa pamvura unoendesa midzi yawo mukakova hauzozeza kupisa kana kuchiuya nokuti mashizha awo anoramba akasvibira uye hauzotyira gore rokushaikwa kwemvura nokuti haumborega kubereka muchero. “Mwoyo unonyengedza kupfuura zvinhu zvose zvazvo uye wakaora nouipi ndiani angaunzwisise husingarapiki.
Jeremia 17:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Ŋgaatukwe iye munhu unoʋimba nomumŋe munhu, unoita nyama yomunhu ruʋoko rwake, unomŋoyo unotsauka kunaJehova. Nokuti ucafanana negwenzi murenje, haaŋgaʋoni kana ɀakanaka ɀiciȿika, asi ucagara panɀimbo dzakawoma kwaɀo murenje, munyika yeɓare isiŋgagarwi naʋanhu. Wakaropafadzwa iye munhu unoʋimba naJehova, wakaita Jehova ciʋimbo cake. Nokuti ucaʋa somuti wakasimŋa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usiŋgatyi kana kupisa kuciȿika, asi mashizha awo acaʋa matema; hauŋgaraŋgariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kuɓereka ɀiɓereko. Mŋoyo unonyeŋgera kupfuʋura ɀinhu ɀose, wakaʋora cose, ndiani uŋgauziʋa?
Jeremia 17:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)