Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 10:1-18

Vatongi 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Shure kwaAbhimereki kwakazomukawo mumwe wokununura Isiraeri ainzi Tora mwana waPuwa, mwanakomona waDhodho wedzinza rokwaIsakari. Aigara kuShamiri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. Akatonga vaIsiraeri makumi maviri ana makore matatu, akazofa, akavigwa kuShamiri. Mushure maTora makazomuka Jairi wokuGireadhi, akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi. Jairi akazofa akavigwa kuKamoni. VaIsiraeri vakaita zvakare zvisingadiwi naTenzi. Vakatangazve kunamata vanaBhaari naAshitaroti, vamwari vokuSiria, navamwari vokuSidhoni, navamwari vokuMoabhu, navamwari vevaAmoni, navamwari vavaFirisitia. Vakazvicheka ukama naTenzi. Vakakanda pasi zvokumunamata. Tenzi akavirukira vaIsiraeri nehasha akabva avaisa mumaoko evaFirisitia nomumaoko evaAmoni. Gore iroro, vakaonesa vaIsiraeri ndondo, vachivabata zvakaipa. Kwakapera makore gumi namasere vachibata zvakaipa kwazvo vaIsiraeri vokumhiri kwaJorodhani, kunyika yavaAmori, kuGireadhi. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kundorwisa vedzinza rokwaJudha nerokwaBhenjamini nerokwaEfuraimu zvokuti vaIsiraeri vakapinda pfumvu isingatauriki. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi vachiti, “Takakutadzirai nokuti takakufuratirai imi Mwari wedu tikandonamata vanaBhaari.” Tenzi akapindura vaIsiraeri achiti, “Handina kukununurai here kuvaIjipiti, nokuvaAmori nokuvaAmoni, nokuvaFirisitia? Makabatwa zvakaipa navaSidhoni navaAmareki navaMaoni, mukachema kwandiri ndikakununurai mumaoko avo. Kunyange zvakadaro makandifuratira mukandonamata vamwe vamwari, saka handichakununurai zvakare. Chiendaika zvenyu mundochemera vamwari vamakasarudza ivavo, vakununurei panguva yamunenge mava munhamo.” Asi vaIsiraeri vakati kuna Tenzi, “Takatadza isu! Itai zvenyu zvamunoda nesu. Tateterera, chatinongokumbira chete kuti mutinunurewo nhasi uno.” Saka vakabvisa pakati pavo vamwari vasingazikanwi, vakatangisa kunamata Tenzi, akabva atangawo kuva nehanya nenhamo dzavo. VaAmoni vakaunganidzirana hondo, vakandodzika matendhe kuGireadhi. VaIsiraeri vakaunganidzanawo vakandodzika matendhe kuMizipa. Vanhu, vatungamiriri vokuGireadhi, vechiIsiraeri, vakataurirana vachiti, “Ndiani angatange kurwisa vaAmoni? Ndiye achava mutungamiriri wavanhu, vose vokuGireadhi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 10

Vatongi 10:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwenguva yaAbhimereki murume weIsraeri, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, akasimuka kuti aponese Israeri. Akanga achigara muShamiri munyika yezvikomo yeEfuremu. Akatungamirira Israeri kwamakore makumi maviri namatatu, ipapo akafa, uye akavigwa muShamiri. Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri. Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi. Jairi paakafa, akavigwa muKamoni. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari, vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha vakasazomushumirazve, iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia neavaAmoni, avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha, Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.” Jehovha akapindura akati, “Pamakadzvinyirirwa navaIjipita, vaAmori, vaAmoni, vaFiristia, vaSidhoni, vaAmareki, navaMaoni uye mukachema kwandiri kuti ndikubatsirei, handina kukuponesai mumaoko avo here? Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve. Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!” Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.” Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri. VaAmoni pavakadanwa kuhondo uye vakadzika musasa muGireadhi, vaIsraeri vakaungana vakadzika musasa paMizipa. Vatungamiri vavanhu veGireadhi vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Ani naani achatanga kundorwa navaAmoni ndiye achava mukuru wavose vanogara muGireadhi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 10

Vatongi 10:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu. Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri. Shure kwake Jairi muGireadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri. Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGireadhi. Jairi akafa, akavigwa paKamoni. Vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni. Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGireadhi, makore ane gumi namasere. Zvino vana vaAmoni vakayambuka Jorodhani, vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo vaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo. Zvino vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, “Takakutadzirai imi, nokuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari.” Jehovha akati kuvana vaIsiraeri, “Handina kukuponesai here pavaIjipiti, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia? VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo. Kunyange zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve. Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu.” Vana vaIsiraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.” Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; mwoyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwavaIsiraeri. Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGireadhi. Vana vaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa. Zvino vanhu, iwo machinda aGireadhi, vakataurirana, vakati, “Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Gireadhi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 10

Vatongi 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shure kwaAbhimereki kwakazomukawo mumwe wokununura Isiraeri ainzi Tora mwana waPuwa, mwanakomona waDhodho wedzinza rokwaIsakari. Aigara kuShamiri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. Akatonga vaIsiraeri makumi maviri ana makore matatu, akazofa, akavigwa kuShamiri. Mushure maTora makazomuka Jairi wokuGireadhi, akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi. Jairi akazofa akavigwa kuKamoni. VaIsiraeri vakaita zvakare zvisingadiwi naTenzi. Vakatangazve kunamata vanaBhaari naAshitaroti, vamwari vokuSiria, navamwari vokuSidhoni, navamwari vokuMoabhu, navamwari vevaAmoni, navamwari vavaFirisitia. Vakazvicheka ukama naTenzi. Vakakanda pasi zvokumunamata. Tenzi akavirukira vaIsiraeri nehasha akabva avaisa mumaoko evaFirisitia nomumaoko evaAmoni. Gore iroro, vakaonesa vaIsiraeri ndondo, vachivabata zvakaipa. Kwakapera makore gumi namasere vachibata zvakaipa kwazvo vaIsiraeri vokumhiri kwaJorodhani, kunyika yavaAmori, kuGireadhi. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kundorwisa vedzinza rokwaJudha nerokwaBhenjamini nerokwaEfuraimu zvokuti vaIsiraeri vakapinda pfumvu isingatauriki. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi vachiti, “Takakutadzirai nokuti takakufuratirai imi Mwari wedu tikandonamata vanaBhaari.” Tenzi akapindura vaIsiraeri achiti, “Handina kukununurai here kuvaIjipiti, nokuvaAmori nokuvaAmoni, nokuvaFirisitia? Makabatwa zvakaipa navaSidhoni navaAmareki navaMaoni, mukachema kwandiri ndikakununurai mumaoko avo. Kunyange zvakadaro makandifuratira mukandonamata vamwe vamwari, saka handichakununurai zvakare. Chiendaika zvenyu mundochemera vamwari vamakasarudza ivavo, vakununurei panguva yamunenge mava munhamo.” Asi vaIsiraeri vakati kuna Tenzi, “Takatadza isu! Itai zvenyu zvamunoda nesu. Tateterera, chatinongokumbira chete kuti mutinunurewo nhasi uno.” Saka vakabvisa pakati pavo vamwari vasingazikanwi, vakatangisa kunamata Tenzi, akabva atangawo kuva nehanya nenhamo dzavo. VaAmoni vakaunganidzirana hondo, vakandodzika matendhe kuGireadhi. VaIsiraeri vakaunganidzanawo vakandodzika matendhe kuMizipa. Vanhu, vatungamiriri vokuGireadhi, vechiIsiraeri, vakataurirana vachiti, “Ndiani angatange kurwisa vaAmoni? Ndiye achava mutungamiriri wavanhu, vose vokuGireadhi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 10

Vatongi 10:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaAbimereki, Tora mŋanakomana waPua, mŋanakomana waDodo, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfraimi. Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namatatu, akafa; akaʋigwa paShamiri. Shure kwake Jairi muGireadi wakamuka, iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namaʋiri. Wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋemboŋgoro ʋanamakumi matatu, ʋuye ʋakaŋga ʋanamaguta anamakumi matatu, anonzi Havori‐jairi kuȿikira nhasi, ari munyika yeGireadi. Jairi akafa, akaʋigwa paKamoni. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari naʋaAshtaroti naʋamŋari ʋaʋaSiria, naʋamŋari ʋeSidoni, naʋaMŋari ʋaMoabi, naʋamŋari ʋaʋana ʋaAmoni, naʋamŋari ʋaʋaFiristia; ʋakarasha Jehova, ʋakasamushumira. Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaFiristia, nomumaʋoko aʋana ʋaAmoni. Iʋo ʋakanetsa nokumanikidza ʋana ʋaIsraeri gore iro; ʋakamanikidza ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani munyika yaʋaAmori, yaiʋa paGireadi, makore anegumi namasere. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakayambuka Joridani, ʋakarwa ʋo naʋaJuda, naʋaBenjamini, ʋuye neimba yaʋaEfraimi; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamanikidzwa kwaɀo. Ɀino ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takakutadzirai imi, nokuti takarasha Mŋari weɗu, tikashumira ʋaBaari. Jehova akati kuʋana ʋaIsraeri: Handina‐kukuponesai here paʋaEgipita, naʋaAmori, naʋana ʋaAmoni, naʋaFiristia? ƲaSidoni, naʋaAmareki, naʋaMaoni ʋakakutambudzai ʋo, imi mukacema kwandiri, ndikakuponesai pamaʋoko aʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro makandirasha, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari; naiɀoɀo handina‐kukuponesai ɀe. Endai mundocema henyu kuʋamŋari ʋamakaɀisanaŋgurira; iʋo ŋgaʋakuponesei paŋguʋa yokutambudzika kwenyu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaJehova: Takatadza; tiitirei henyu seɀamunofuŋga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi. Ipapo ʋakarasha ʋamŋari ʋatorwa ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakashumira Jehova; mŋoyo wake ukacema pamsoro pokutambudzika kwaʋaIsraeri. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakaŋga ʋaʋuŋgana, ʋakadzika matente aʋo paGireadi. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana ʋo, ʋakadzika matente aʋo paMizpa. Ɀino ʋanhu, iwo macinda aGireadi, ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko munhu ucataŋga kurwa naʋana ʋaAmoni? Iye ucaʋa mukuru waʋose ʋagere Gireadi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 10