Vatongi 10
10
JEFUTA NAVAMWE VATONGI VADIKI
6. Mutongi Tora
1Shure kwaAbhimereki kwakazomukawo mumwe wokununura Isiraeri ainzi Tora mwana waPuwa, mwanakomona waDhodho wedzinza rokwaIsakari. Aigara kuShamiri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. 2Akatonga vaIsiraeri makumi maviri ana makore matatu, akazofa, akavigwa kuShamiri.
7. Mutongi Jairi
3Mushure maTora makazomuka Jairi wokuGireadhi, akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. 4Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi. 5Jairi akazofa akavigwa kuKamoni.
8. Mutongi Jefuta
6VaIsiraeri vakaita zvakare zvisingadiwi naTenzi. Vakatangazve kunamata vanaBhaari naAshitaroti, vamwari vokuSiria, navamwari vokuSidhoni, navamwari vokuMoabhu, navamwari vevaAmoni, navamwari vavaFirisitia. Vakazvicheka ukama naTenzi. 7Vakakanda pasi zvokumunamata. Tenzi akavirukira vaIsiraeri nehasha akabva avaisa mumaoko evaFirisitia nomumaoko evaAmoni. 8Gore iroro, vakaonesa vaIsiraeri ndondo, vachivabata zvakaipa. Kwakapera makore gumi namasere vachibata zvakaipa kwazvo vaIsiraeri vokumhiri kwaJorodhani, kunyika yavaAmori, kuGireadhi. 9VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kundorwisa vedzinza rokwaJudha nerokwaBhenjamini nerokwaEfuraimu zvokuti vaIsiraeri vakapinda pfumvu isingatauriki.
10VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi vachiti, “Takakutadzirai nokuti takakufuratirai imi Mwari wedu tikandonamata vanaBhaari.”
11Tenzi akapindura vaIsiraeri achiti, “Handina kukununurai here kuvaIjipiti, nokuvaAmori nokuvaAmoni, nokuvaFirisitia? 12Makabatwa zvakaipa navaSidhoni navaAmareki navaMaoni, mukachema kwandiri ndikakununurai mumaoko avo. 13Kunyange zvakadaro makandifuratira mukandonamata vamwe vamwari, saka handichakununurai zvakare. 14Chiendaika zvenyu mundochemera vamwari vamakasarudza ivavo, vakununurei panguva yamunenge mava munhamo.”
15Asi vaIsiraeri vakati kuna Tenzi, “Takatadza isu! Itai zvenyu zvamunoda nesu. Tateterera, chatinongokumbira chete kuti mutinunurewo nhasi uno.” 16Saka vakabvisa pakati pavo vamwari vasingazikanwi, vakatangisa kunamata Tenzi, akabva atangawo kuva nehanya nenhamo dzavo.
17VaAmoni vakaunganidzirana hondo, vakandodzika matendhe kuGireadhi. VaIsiraeri vakaunganidzanawo vakandodzika matendhe kuMizipa. 18Vanhu, vatungamiriri vokuGireadhi, vechiIsiraeri, vakataurirana vachiti, “Ndiani angatange kurwisa vaAmoni? Ndiye achava mutungamiriri wavanhu, vose vokuGireadhi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.