Shure kwaAbimereki, Tora mŋanakomana waPua, mŋanakomana waDodo, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfraimi. Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namatatu, akafa; akaʋigwa paShamiri.
Shure kwake Jairi muGireadi wakamuka, iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namaʋiri. Wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋemboŋgoro ʋanamakumi matatu, ʋuye ʋakaŋga ʋanamaguta anamakumi matatu, anonzi Havori‐jairi kuȿikira nhasi, ari munyika yeGireadi. Jairi akafa, akaʋigwa paKamoni.
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari naʋaAshtaroti naʋamŋari ʋaʋaSiria, naʋamŋari ʋeSidoni, naʋaMŋari ʋaMoabi, naʋamŋari ʋaʋana ʋaAmoni, naʋamŋari ʋaʋaFiristia; ʋakarasha Jehova, ʋakasamushumira. Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaFiristia, nomumaʋoko aʋana ʋaAmoni. Iʋo ʋakanetsa nokumanikidza ʋana ʋaIsraeri gore iro; ʋakamanikidza ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani munyika yaʋaAmori, yaiʋa paGireadi, makore anegumi namasere. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakayambuka Joridani, ʋakarwa ʋo naʋaJuda, naʋaBenjamini, ʋuye neimba yaʋaEfraimi; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamanikidzwa kwaɀo. Ɀino ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takakutadzirai imi, nokuti takarasha Mŋari weɗu, tikashumira ʋaBaari. Jehova akati kuʋana ʋaIsraeri: Handina‐kukuponesai here paʋaEgipita, naʋaAmori, naʋana ʋaAmoni, naʋaFiristia? ƲaSidoni, naʋaAmareki, naʋaMaoni ʋakakutambudzai ʋo, imi mukacema kwandiri, ndikakuponesai pamaʋoko aʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro makandirasha, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari; naiɀoɀo handina‐kukuponesai ɀe. Endai mundocema henyu kuʋamŋari ʋamakaɀisanaŋgurira; iʋo ŋgaʋakuponesei paŋguʋa yokutambudzika kwenyu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaJehova: Takatadza; tiitirei henyu seɀamunofuŋga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi. Ipapo ʋakarasha ʋamŋari ʋatorwa ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakashumira Jehova; mŋoyo wake ukacema pamsoro pokutambudzika kwaʋaIsraeri.
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakaŋga ʋaʋuŋgana, ʋakadzika matente aʋo paGireadi. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana ʋo, ʋakadzika matente aʋo paMizpa. Ɀino ʋanhu, iwo macinda aGireadi, ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko munhu ucataŋga kurwa naʋana ʋaAmoni? Iye ucaʋa mukuru waʋose ʋagere Gireadi.