Jakobho 2:20-26
Jakobho 2:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here? Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari. Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here? Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
Jakobho 2:20-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rakabhi, chipfeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendesa neimwe nzira? Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.
Jakobho 2:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero? Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari. Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa. Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.” Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga. Handizvo zvimwechetezvo here nepfambi Rahabhu yakaruramiswa namabasa payakagamuchira vasori ikavaendesa neimwe nzira? Nokuti ndizvo zvakaita muviri, kana usina mweya wakafa; saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa.
Jakobho 2:20-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa? Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari? Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa; rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari. Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi. Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira? Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.
Jakobho 2:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)