Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 2:20-26

Jakobo 2:20-26 SUB1949

Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa? Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari? Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa; rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari. Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi. Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira? Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.

Verenga chikamu Jakobo 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJakobo 2:20-26