Jakobho 2:18-24
Jakobho 2:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera. Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here? Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari. Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
Jakobho 2:18-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.” Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera. Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.
Jakobho 2:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.” Unotenda kuti Mwari mumwechete unoita zvakanaka. Kunyange mweya yakaipa inotendawo kudaro ichitodedera. Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero? Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari. Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa. Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.” Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga.
Jakobho 2:18-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu. Iwe unotenda kuti Mŋari ndiye mumŋe cete; unoita ɀakanaka; mŋeya yakaipa inotenda ʋo iɀoɀo, iciɗeɗera. Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa? Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari? Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa; rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari. Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi.
Jakobho 2:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)