Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 2:18-24

Jakobho 2:18-24 SNA2002

Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.” Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera. Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.

Verenga chikamu Jakobho 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJakobho 2:18-24