Isaya 58:1-14
Isaya 58:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo. Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo. Vanoti, ‘Takatsanyireiko, uye imi mukasazviona? Takazvininipisireiko, imi mukasazviona?’ “Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda muchimanikidza vashandi venyu. Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro. Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha? “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe? Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako? Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa, uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati. Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi. Vanhu vako vachavakazve matongo akare vachasimudza nheyo dzakare; iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka, Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba. “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo, ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura.
Isaya 58:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nezwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo. Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari. Vanoti, “Takazvinyimireiko zvokudya, imi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imi mukasazviziva?” Taurirai, pazuva rokuzvinyima zvokudya munotsvaka kuzvifadza henyu, nokubata mabasa enyu ose. Tarirai, munozvinyima zvokudya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti izwi renyu rinzwike kumusoro. Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here? “Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here? Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noaenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here? “Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, ‘Ndiripano.’ Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa; kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati; Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro. “Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo. “Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”
Isaya 58:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Taurisa, usamborega zvako daidzira nezwi sebhosvo uparidze kuvanhu vangu kukanganisa kwavo utaurire vemba yaJakobho zvitadzo zvavo. Kunyange zvavo vachinditsvaga, vachinditsvaga zuva nezuva, vachidisisa kuziva makwara angu sokunge rudzi rwavanhu vanoita zvakarurama uye vasina kukanda pasi murao weni Mwari wavo; vanotodawo kuti ndivape mitemo yakarurama vachidisisa kwazvo kuuya padyo neni Mwari Vanoti, ‘Chatinotsanyira chii, imi musingazvioni? Chii chaizvo chatinoitira zvinhu zvokuzviramba, imi musingamboita hanya nazvo?’ Tarisai muone, musi wokutsanya kwenyu munotozvitsvagira zvokuzvifadza nazvo muchionesa ndondo vose vanokushandirai. Kutsanya, hongu munotsanya, asi uku muchipopota nokurwa nokurova vamwe nezvibhakera. Kutsanya sokwenyu uku nhasi uno hakuite kuti zvichemo zvenyu zvinzwike kuna wokumusoro. Ikoku ndokutsanya kwandinoda here, musi wokuti munhu azvirereke? Kungorerekedza musoro pasi senhokwe here, kana kutora masaga nedota ozviita ndozvokuwarira? Ndokwamungati kutsanya ikoku uye kuti ndozuva rinofadza Mwari iroro? “Ko kutsanya kwandinoda hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi nokukurura zvitirobho zvejoko nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa vagoenda zvavo nokutyorawo joko rose rose zvaro? “Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako? “Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi. “Kana ukazonamata, Tenzi achakupindura, kana ukadaidzira iye anoti ndiri pano. Kana pakati penyu mukakanda pasi joko rokudzvinyirira nokunongedzerana munwe nokutaura zvakaipa uye kana ukawanisa vane nzara chokudya uchipedza nhuna dzavatamburi, chiedza chako ndopachichanyatsoti ngwe-e kuvheneka murima, rima rakakupoteredza richazoita samasikati machena. Tenzi achakutungamirira nguva dzose zvadzo achikugutsa nezvakanaka achikusimbisa iwewe pachako ugoita sebindu rine mvura yakawanda sechisipiti chemvura isingapwi. Pamatongo enyu pachavakwazve, muchamutsazve ugaro hwedzimba dzapasi chigare; uchazonzi mugadziridzi wezvakapazika, mugadziridzi wemigwagwa yepokugara. “Kana ukatsaukana neSabata worega kuita zvaunoda pazuva rangu rinoera, wava kuti Sabata, izuva rinofadza, uyewo wava kuti zuva rinoera raTenzi rinoremekedzeka, kana ukariremekedza usingaite zvomusoro wako uchiita zvaunoda uchidya zvako nyaya. “Ipapo Tenzi achava rufaro rwako, panyika ndichakuita kuti uve wapamusorosoro chaipo ndichiita kuti udye, nhaka yababa vako Jakobho nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”
Isaya 58:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Isaya 58:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƌanidzira kwaɀo, usarega, ɗanidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire ʋanhu ʋangu kuɗarika kwaʋo, neimba yaJakobo ɀiʋi ɀaʋo. Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanonditȿaka zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋacifarira kuziʋa nzira dzaŋgu; ʋanokumbira kwandiri mirairo yakarurama, sorudzi runoita ɀakarurama, rusiŋgasiyi ɀakarairwa naMŋari waʋo; ʋanofarira kusweɗera kunaMŋari. Ʋanoti: Takaɀinyimireiko ɀokudya, imi mukasaɀiʋona? Takatambudzireiko mŋeya yeɗu, imi mukasaɀiziʋa? Tarirai, pazuʋa rokuɀinyima ɀokudya munotȿaka kuɀifadza henyu, nokuɓata maɓasa enyu ose. Tarirai, munoɀinyima ɀokudya, kuti murwe nokukakaʋara, nokuroʋa netsiʋa yeɀakaipa; hamuɀinyimi ɀokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumsoro. Ndikoko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura here? Ndirero zuʋa munhu raanotambudza mŋeya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namaɗota pasi pake here? Iɀeɀo uŋgaɀiti ndiko kuɀinyima ɀokudya, nezuʋa rinoɗikanwa naJehova here? Ko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura. hakuzakaɗai here, kuti musunuŋgure ɀisuŋgo ɀeɀakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, ʋuye kuti muvune majoko ose here? Hakuzi kuti ugoʋane ɀokudya ɀako nounenzara, ʋuye kuti uɗane ʋarombo ʋakadziŋgwa ʋapinde mumba mako here? Kuti kana uciʋona munhu wakashama umufukidze, ʋuye kuti urege kuʋanda ʋenyama yako here? Ipapo ciedza cako cicaɓuɗa secamambakwedza, kuporeswa kwako kucaɓukira nokukurumidza, kururama kwako kucakutuŋgamirira, nokubginya kwaJehova kucakurindira mumashure. Ipapo ucaɗana, Jehova ucakupindura; ucaɗanidzira iwe, iye ucati: Ndiri pano. Kana ucibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura ɀakaipa; kana mŋeya wako ukaʋa nehanya naʋanenzara, nokugutisa mŋeya wounotambudzika; ipapo ciedza cako cicaɓuɗa murima, kuȿiɓirwa kwako kucaita samasikati; Jehova ucakufambisa ŋguʋa dzose, ucagutisa mŋeya wako panɀimbo dzakawoma, nokusimbisa mafupa ako; ucaʋa somunda wakaɗiridzwa, ʋuye setsime remvura, risiŋgapxi mvura yaro. Ʋacaɓerekwa newe ʋacaʋaka ɀe matoŋgo akare; ucamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, ʋuye ucatumidzwa: Mugadziri wopakakoromoka, muʋandudzi wenzira, kuti ʋanhu ʋagone kugara’po. Kana ucidzora gumbo rako pazuʋa resaɓata, kuti urege kuita ɀaunoɗa pazuʋa raŋgu dɀene, uciti, saɓata izuʋa rinofadza, nezuʋa dɀene raJehova rinofanira kukudzwa, ucirikudza, usiŋgaiti ɀaunoɗa, kana kutȿaka ɀinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo ucafarira Jehova kwaɀo; neni ndicakufambisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, ndicakugutisa nenhaka yaɓaɓa ʋako Jakobo, nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.