Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 58:1-14

Isaya 58:1-14 SCLB

“Taurisa, usamborega zvako daidzira nezwi sebhosvo uparidze kuvanhu vangu kukanganisa kwavo utaurire vemba yaJakobho zvitadzo zvavo. Kunyange zvavo vachinditsvaga, vachinditsvaga zuva nezuva, vachidisisa kuziva makwara angu sokunge rudzi rwavanhu vanoita zvakarurama uye vasina kukanda pasi murao weni Mwari wavo; vanotodawo kuti ndivape mitemo yakarurama vachidisisa kwazvo kuuya padyo neni Mwari Vanoti, ‘Chatinotsanyira chii, imi musingazvioni? Chii chaizvo chatinoitira zvinhu zvokuzviramba, imi musingamboita hanya nazvo?’ Tarisai muone, musi wokutsanya kwenyu munotozvitsvagira zvokuzvifadza nazvo muchionesa ndondo vose vanokushandirai. Kutsanya, hongu munotsanya, asi uku muchipopota nokurwa nokurova vamwe nezvibhakera. Kutsanya sokwenyu uku nhasi uno hakuite kuti zvichemo zvenyu zvinzwike kuna wokumusoro. Ikoku ndokutsanya kwandinoda here, musi wokuti munhu azvirereke? Kungorerekedza musoro pasi senhokwe here, kana kutora masaga nedota ozviita ndozvokuwarira? Ndokwamungati kutsanya ikoku uye kuti ndozuva rinofadza Mwari iroro? “Ko kutsanya kwandinoda hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi nokukurura zvitirobho zvejoko nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa vagoenda zvavo nokutyorawo joko rose rose zvaro? “Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako? “Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi. “Kana ukazonamata, Tenzi achakupindura, kana ukadaidzira iye anoti ndiri pano. Kana pakati penyu mukakanda pasi joko rokudzvinyirira nokunongedzerana munwe nokutaura zvakaipa uye kana ukawanisa vane nzara chokudya uchipedza nhuna dzavatamburi, chiedza chako ndopachichanyatsoti ngwe-e kuvheneka murima, rima rakakupoteredza richazoita samasikati machena. Tenzi achakutungamirira nguva dzose zvadzo achikugutsa nezvakanaka achikusimbisa iwewe pachako ugoita sebindu rine mvura yakawanda sechisipiti chemvura isingapwi. Pamatongo enyu pachavakwazve, muchamutsazve ugaro hwedzimba dzapasi chigare; uchazonzi mugadziridzi wezvakapazika, mugadziridzi wemigwagwa yepokugara. “Kana ukatsaukana neSabata worega kuita zvaunoda pazuva rangu rinoera, wava kuti Sabata, izuva rinofadza, uyewo wava kuti zuva rinoera raTenzi rinoremekedzeka, kana ukariremekedza usingaite zvomusoro wako uchiita zvaunoda uchidya zvako nyaya. “Ipapo Tenzi achava rufaro rwako, panyika ndichakuita kuti uve wapamusorosoro chaipo ndichiita kuti udye, nhaka yababa vako Jakobho nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”

Verenga chikamu Isaya 58