Isaya 58
58
Kunamata kwaɀokwaɗi nokusati kuri kwaɀokwaɗi.
1Ƌanidzira kwaɀo, usarega, ɗanidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire ʋanhu ʋangu kuɗarika kwaʋo, neimba yaJakobo ɀiʋi ɀaʋo. 2Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanonditȿaka zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋacifarira kuziʋa nzira dzaŋgu; ʋanokumbira kwandiri mirairo yakarurama, sorudzi runoita ɀakarurama, rusiŋgasiyi ɀakarairwa naMŋari waʋo; ʋanofarira kusweɗera kunaMŋari. 3Ʋanoti: Takaɀinyimireiko ɀokudya, imi mukasaɀiʋona? Takatambudzireiko mŋeya yeɗu, imi mukasaɀiziʋa? Tarirai, pazuʋa rokuɀinyima ɀokudya munotȿaka kuɀifadza henyu, nokuɓata maɓasa enyu ose. 4Tarirai, munoɀinyima ɀokudya, kuti murwe nokukakaʋara, nokuroʋa netsiʋa yeɀakaipa; hamuɀinyimi ɀokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumsoro. 5Ndikoko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura here? Ndirero zuʋa munhu raanotambudza mŋeya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namaɗota pasi pake here? Iɀeɀo uŋgaɀiti ndiko kuɀinyima ɀokudya, nezuʋa rinoɗikanwa naJehova here? 6Ko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura. hakuzakaɗai here, kuti musunuŋgure ɀisuŋgo ɀeɀakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, ʋuye kuti muvune majoko ose here? 7Hakuzi kuti ugoʋane ɀokudya ɀako nounenzara, ʋuye kuti uɗane ʋarombo ʋakadziŋgwa ʋapinde mumba mako here? Kuti kana uciʋona munhu wakashama umufukidze, ʋuye kuti urege kuʋanda ʋenyama yako here? 8Ipapo ciedza cako cicaɓuɗa secamambakwedza, kuporeswa kwako kucaɓukira nokukurumidza, kururama kwako kucakutuŋgamirira, nokubginya kwaJehova kucakurindira mumashure. 9Ipapo ucaɗana, Jehova ucakupindura; ucaɗanidzira iwe, iye ucati: Ndiri pano. Kana ucibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura ɀakaipa; 10kana mŋeya wako ukaʋa nehanya naʋanenzara, nokugutisa mŋeya wounotambudzika; ipapo ciedza cako cicaɓuɗa murima, kuȿiɓirwa kwako kucaita samasikati; 11Jehova ucakufambisa ŋguʋa dzose, ucagutisa mŋeya wako panɀimbo dzakawoma, nokusimbisa mafupa ako; ucaʋa somunda wakaɗiridzwa, ʋuye setsime remvura, risiŋgapxi mvura yaro. 12Ʋacaɓerekwa newe ʋacaʋaka ɀe matoŋgo akare; ucamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, ʋuye ucatumidzwa: Mugadziri wopakakoromoka, muʋandudzi wenzira, kuti ʋanhu ʋagone kugara’po. 13Kana ucidzora gumbo rako pazuʋa resaɓata, kuti urege kuita ɀaunoɗa pazuʋa raŋgu dɀene, uciti, saɓata izuʋa rinofadza, nezuʋa dɀene raJehova rinofanira kukudzwa, ucirikudza, usiŋgaiti ɀaunoɗa, kana kutȿaka ɀinokufadza, kana kutaura mashoko ako; 14ipapo ucafarira Jehova kwaɀo; neni ndicakufambisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, ndicakugutisa nenhaka yaɓaɓa ʋako Jakobo, nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 58: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018