Isaya 40:9-10
Isaya 40:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!” Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.
Isaya 40:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, “Tarirai, Mwari wenyu!” Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
Isaya 40:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwira pamusoro pegomo refu iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka, udaidzire nezwi guru iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka, daidzira usatye. Iti kumaguta ekwaJudha, hoyo, tarirai muone Mwari wenyu. Tarisai muone, Tenzi ari kuuya nesimba rake anotonga nesimba roruoko rwake. Tarirai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.
Isaya 40:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, ɗanidzira nesimba, ɗanidzira, usatya; uti kumaguta aJuda: Tarirai, Mŋari wenyu! Tarirai, Ishe Jehova ucaʋuya somunhu unesimba, ruʋoko rwake rucamuɓatira ʋushe; tarirai, muɓairo wake unawo, ɀaanoripira ɀiri pamberi pake.
Isaya 40:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)