Isaya 40:6-9
Isaya 40:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda. Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa. Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.” Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
Isaya 40:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izwi roanoti, “Danidzirai!” Mumwe akati, “Ndichadanidzireiko?” Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango. Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya weJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa. Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi. Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, “Tarirai, Mwari wenyu!”
Isaya 40:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango. Uswa hunouna, ruva rinosvava pazvinongorohwa nemhepo inofuridzwa naTenzi kwazviri, chokwadika vanhu uswa zvahwo. Uswa hunouna, ruva rinosvava asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.” Kwira pamusoro pegomo refu iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka, udaidzire nezwi guru iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka, daidzira usatye. Iti kumaguta ekwaJudha, hoyo, tarirai muone Mwari wenyu.
Isaya 40:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwi rounoti: Ƌanidzirai! Mumŋe akati: Ndicaɗanidzireiko? Nyama yose ʋuswa, kunaka kwaɀo kwose kwakaita seruʋa rokusaŋgo. Ʋuswa ʋunowoma, ruʋa rinoȿaʋa, nokuti mŋeya waJehova unofuridza pamsoro paɀo; ɀirokwaɀo ʋanhu ʋuswa. Ʋuswa ʋunowoma, ruʋa rinoȿaʋa; asi shoko raMŋari weɗu ricagara nokusiŋgaperi. Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, ɗanidzira nesimba, ɗanidzira, usatya; uti kumaguta aJuda: Tarirai, Mŋari wenyu!
Isaya 40:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)