Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 40:6-9

Isaya 40:6-9 SUB1949

Inzwi rounoti: Ƌanidzirai! Mumŋe akati: Ndicaɗanidzireiko? Nyama yose ʋuswa, kunaka kwaɀo kwose kwakaita seruʋa rokusaŋgo. Ʋuswa ʋunowoma, ruʋa rinoȿaʋa, nokuti mŋeya waJehova unofuridza pamsoro paɀo; ɀirokwaɀo ʋanhu ʋuswa. Ʋuswa ʋunowoma, ruʋa rinoȿaʋa; asi shoko raMŋari weɗu ricagara nokusiŋgaperi. Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, ɗanidzira nesimba, ɗanidzira, usatya; uti kumaguta aJuda: Tarirai, Mŋari wenyu!

Verenga chikamu Isaya 40